Ɀireʋo 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ɀireʋo pamsoro peɀinhu ɀizhinji.

1Ɀireʋo ɀaSoromoni.

Mŋanakomana, wakacenjera, unofadza ɓaɓa;

Asi mŋanakomana ɓenzi unoshuwisa mai ʋake.

2Fuma yakawanikwa neɀakaipa haiɓatsiri cinhu;

Asi kururama kunorwira parufu.

3Jehova haaŋgatenderi mŋeya wowakarurama kuti unzwe nzara;

Asi kupaŋga kwaʋakaipa unokusundira kure.

4Unoɓata noruʋoko rusinehanya, ucaʋa murombo;

Asi ruʋoko rwousinoʋusimbe runofumisa.

5Unoʋuŋganidza muzhezha, ndiye mŋanakomana wakacenjera;

Asi unoʋata hope mukukohwa, mŋakomana unonyadzisa.

6Mikomborero iri pamusoro wowakarurama;

Asi muromo wowakaipa unoʋanza kumanikidza.

7Kuyeʋukwa kwowakarurama kunoʋigira kuropafadzwa,

Asi zita rowakaipa ricaʋora.

8Unomŋoyo wakacenjera, ucagamucira mirairo;

Asi unemiromo yoʋupenzi ucawisirwa pasi.

9Unofamba ɀakarurama, unofamba ɀakasimba;

Asi unominamisa nzira dzake, ucazikanwa.

10Unoconya neziso rake, unoʋuyisa maɗambudzo;

Asi unemiromo yoʋupenzi, ucawisirwa pasi.

11Muromo wowakarurama itsime roʋupenyu;

Asi muromo wowakaipa unoʋanza kumanikidza.

12Mbeŋgo dzinomutsa kukakaʋara;

Asi ruɗo runofukidza kuɗarika kwose.

13Pamiromo younenjere panowanikwa ʋucenjeri;

Asi shamhu yakafanira musana wounoshaiwa njere.

14Ʋakacenjera ʋanoɀiceŋgetera ziʋo;

Asi muromo weɓenzi uri pedyo nokuparadzwa.

15Fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba;

Ɀinoparadza ʋarombo ndibgo ʋurombo bgaʋo.

16Ɀaakaɓatira ɀinoisa wakarurama kuʋupenyu;

Ɀakawanikwa nowakaipa ɀinoisa kuɀiʋi.

17Unoterera kurairirwa, uri panzira yoʋupenyu;

Asi unoramba kurairwa, unotsausa ʋamŋe.

18Unoʋanza kuʋeŋga, unemiromo yenhema;

Unamakuhwa, iɓenzi.

19Kuɗarika hakuŋgakoni pamunhu unamashoko mazhinji;

Asi unodzora miromo yake, unoʋucenjeri.

20Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirveri yakasarurwa;

Mŋoyo wowakaipa hauɓatsiri cinhu.

21Miromo yowakarurama inosimbisa ʋazhinji;

Asi mapenzi anofa nokushaiwa ziʋo.

22Kuropafadza kwaJehova ndiko kunofumisa;

Kutambura paɓasa hakuwedzeri cinhu.

23Ƃenzi rinoti kuita ɀakaipa hutamba;

Ndiɀo ɀinoita ʋo ʋucenjeri kunounenjere.

24Ɀinotyiwa nowakaipa, ndiɀo ɀicamuwira;

Asi wakarurama ucapiwa ɀaanoɗa.

25Kana campupuri capfuʋura, wakaipa haaci’po;

Asi wakarurama unenheyo dzisiŋgaperi.

26 Seɀinoita vinega pameno, noʋutsi pameso,

Ndiɀo ɀakaita simbe kunaʋanomutuma.

27Kutya Jehova kunowedzera mazuʋa;

Asi makore owakaipa acatapudzwa.

28Tariro yaʋakarurama mufaro;

Asi kutarira kwaʋakaipa kucaparadzwa.

29Nzira yaJehova inhare kunowakarurama;

Asi ndiko kuparadzwa kunaʋanoita ɀakaipa.

30Wakarurama haaŋgatoŋgozunuŋguswi nokusiŋgaperi;

Asi ʋakaipa haʋaŋgarambi ʋagere panyika.

31Muromo wowakarurama unoɓuɗisa ʋucenjeri;

Asi rurimi runenhema rucabviswa.

32Miromo yowakarurama inoziʋa ɀinofadza;

Asi muromo wowakaipa unotaura ɀinenhema.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help