1Ɀino Jehova akati kwandiri: Cienda ɀe, undoɗa mukadzi unoɗikanwa nomurume wake, asiciri cifeʋe, seɀinoɗa Jehova ʋana ʋaIsraeri, kunyaŋge ʋacitsaukira kunaʋamŋe ʋamŋari, ʋaciɗa mapundu amazambiriŋga.
2Naiɀoɀo ndakamuteŋga namasirveri anegumi namashanu, nehomeri yebari, nehomeri hafu yebari;
3ndikati kwaari: Ucafanira kundimirira mazuʋa mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuʋa mukadzi womumŋe murume; neni ʋo ndicaita saiɀoɀo kwauri.
4Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋacagara mazuʋa mazhinji ʋasinamambo, ʋasinomucinda, ʋasineɀiɓayiro, ʋasineshoŋgwe, ʋasineefodi kana terafimi.
5Pashure ʋana ʋaIsraeri ʋacadzoka ʋacitȿaka Jehova Mŋari waʋo naDavidi mambo waʋo; ʋacaʋuya kunaJehova ʋacitya, nokuʋunyoro bgake namazuʋa okupedzisira.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.