Rwiyo Rukuru 6 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Muɗiwa wako wakaendepiko,

Iwe, unopfuʋura ʋakadzi ʋose nokunaka?

Muɗiwa wako wakariŋgirepiko,

Kuti timutȿake pamŋe cete newe?

2Muɗiwa waŋgu wakadzira kumunda wake,

Kundima dzemiti inonhuwira,

Kufudza makwai ake muminda,

nokutanha maruʋa.

3Ini ndiri womuɗiwa waŋgu, muɗiwa waŋgu ndowaŋgu;

Unofudza makwai ake pakati pamaruʋa.

Cikomba nomŋeŋga ʋanorumbidzana.

4Wakanaka, shamŋari yaŋgu, saTirza,

Wakanaka seJerusarema,

Unotyisa sehondo inemireza.

5Usanditarira nameso ako,

Nokuti andikunda.

Vudzi rako rakafanana neɓoka rembudzi,

Dzinoɓurukira mujiŋga megomo reGireadi.

6Meno ako akafanana neɓoka renhunɀi dzamakwai,

Dzinobva pakushambga;

Rimŋe nerimŋe radzo rinaʋana ʋaʋiri,

Hakunerimŋe risinomŋana.

7Ɀaʋoʋo ɀako ɀakafanana neɓande reɗamba

Pakutarira kwako pakati pecifukidzo cako.

8Ʋahosi ʋanamakumi matanhatu naʋaroŋgo ʋanamakumi masere ʋari’ko,

Nemhandara dzisiŋgaperi.

9Njiʋa yaŋgu, wakakwana waŋgu,

ndiye mumŋe oga;

Ndiye mŋana mumŋe woga wamai ʋake;

Ndiye musanaŋgurwa wowakamuɓereka;

Ʋakunda ʋakamuʋona, ʋakati wakaropafadzwa;

Naʋahosi naʋaroŋgo, ʋakamurumbidza.

10Ndianiko uyo unotarira samambakwedza,

Wakanaka somŋedzi,

Wakacena sezuʋa,

Unotyisa sehondo inemireza?

11Ndakaɓurukira kumunda wenzuŋgu,

Kuti ndiʋone miti mitema mumupata,

Kuti ndiʋone kana muzambiriŋga wotuŋga,

Kana matamba otuŋga maruʋa.

12Ndisati ndaɀiziʋa, mŋeya waŋgu wakandiisa

Pakati peŋgoro dzaʋanhu ʋaŋgu ʋakarurama.

13Dzoka, dzoka, Shuramiti;

Dzoka, dzoka, kuti tikutarire.

Munoɗa kutarira muShuramiti neiko,

Seɀamunotarira kutamba kweMahanaimi?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help