1Ɀino Jehova wakaɀiratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamre, agere pamukoʋa wetente masikati zuʋa ricipisa;
2akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona ʋarume ʋatatu ʋamire ʋakatarisana naye; wakati aciʋaʋona, akabva pamukoʋa wetente, akamhanya kundosoŋgana naʋo, akakotamira pasi,
3akati: Ishe waŋgu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuʋura henyu pamuranda wenyu.
4Ŋgaʋaʋuye nemvura shomanene, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;
5ini nditore cimeɗu ceciŋgwa, musimbise mŋoyo yenyu; mugozopfuʋura henyu, nokuti ndiɀo ɀamaʋuyira kumuranda wenyu. Iʋo ʋakati: Ita hako seɀawataura.
6Abrahama akakurumidza kupinda mutente kunaSara, akati: Kurumidza ugadzire ɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu bgakatsetseka, ukanye, uɓike ɀiŋgwa ɀiɗuku.
7Naiye Abrahama akamhanyira kuŋombe, akatora mhuru inenyama yakapfaʋa, yakanaka, akapa muranda wake; iye akakurumidza kuigadzira.
8Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakaŋga agadzira, akaɀiisa pamberi paʋo; akamira naʋo munyasi momuti, ʋakadya.
9Iʋo ʋakati kwaari: Sara, mukadzi wako, uripiko Iye akati: Tarirai, uri mutente.
10Iye akati: Ɀirokwaɀo, kana gore rapfuʋura, ndicaʋuya ɀe kwauri; neŋguʋa iyo Sara, mukadzi wako, ucaʋa nomŋanakomana. Ɀino Sara wakaŋga aciterera ari pamukoʋa wetente shure kwake.
11Ɀino Abrahama naSara ʋakaŋga ʋakwegura, ʋaʋa namakore mazhinji; nomutoʋo waʋakadzi wakaŋga watoguma kunaSara.
12Sara akaseka mumŋoyo make, akati: Ini ndiŋgaɀifarira here ɀandacembera, naiye tenzi waŋgu akwegura ʋo?
13Jehova akati kunaAbrahama: Sara wasekereiko, aciti: Ko ini mucembere ndicaɓereka mŋana ɀirokwaɀo here?
14Kunecinhu ciŋgakunda Jehova here? Ŋguʋa ino, gore rapfuʋura, ndicadzokera kwauri; Sara ucaʋa nomŋanakomana.
15Asi Sara wakaramba, aciti: Handina‐kuseka; nokuti wakaŋga acitya. Iye akati: Kwete, waseka hako.
16Ɀino ʋaya ʋarume ʋakasimuka, ʋakabva ipapo, ʋakatarira Sodoma; Abrahama akaenda naʋo aciʋaperekedza.
17Ɀino Jehova akati: Ndicaʋanzira Abrahama ɀandinoita here?
18Abrahama ɀaacaʋa rudzi rukuru runesimba, nendudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa maari?
19Nokuti ndakamutsaura, kuti araire ʋana ʋake naʋeimba yake ʋanomuteʋera, kuti ʋaceŋgete nzira yaJehova, ʋaite ɀakarurama neɀakanaka; kuti Jehova aʋuyise pamsoro paAbrahama iɀo ɀaakataura pamsoro pake.
20Ipapo Jehova akati: Kuɗanidzira kweSodoma neGomora kukuru kwaɀo; ɀirokwaɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀakaipa kwaɀo;
21ndicaɓuruka ɀino kuti ndiʋone iɀo ɀaʋaita, kana ɀakafanana nokuɗanidzira kwaʋo kwakaȿika kwandiri; kana ɀisina‐kuɗaro, ndicaɀiziʋa.
22Ɀino ʋaya ʋarume ʋakabva, ʋakaenda Sodoma; asi Abrahama wakaramba amire pamberi paJehova.
23Ɀino Abrahama wakasweɗera, akati: Mucaparadza ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa here?
24Ɀimŋe ʋaŋgaʋa’po ʋakarurama ʋanamakumi mashanu muguta; mucaparadza nɀimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuɗa kwaʋakarurama ʋanamakumi mashanu ʋari’mo here?
25Ŋgaɀiʋe kure nemi kuita kuɗaro, kuʋuraya ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa, kuti ʋakarurama ʋaʋe saʋakaipa; ŋgaɀiʋe kure nemi; Mutoŋgi wenyika yose haaŋgaiti ɀakarurama here?
26Ipapo Jehova akati: Kana ndikawana muSodoma ʋakarurama ʋanamakumi mashanu mukati meguta, ndicanzwira nɀimbo yose tsitsi nokuɗa kwaʋo.
27Abrahama akapindura, akati: Tarirai ɀino, ndatsuŋga kutaura naJehova, ini guruʋa neɗota haŋgu;
28ɀimŋe kucashaikwa ʋashanu kuʋakarurama ʋanamakumi mashanu; muŋgaparadza guta rose kana ʋashanu ʋashaikwa here? Akati: Handiŋgariparadzi, kana ndikawana’mo makumi manna naʋashanu.
29Akataura ɀe naye, akati: Ɀimŋe kucawanikwa’mo makumi manna. Akati: Handiŋgaɀiiti nokuɗa kwamakumi manna.
30Akati: Jehova ŋgaarege hake kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe: Ɀimŋe ʋanamakumi matatu ʋacawanikwa’mo. Akati: Handiŋgaɀiiti, kana ndikawana makumi matatu.
31Akati: Tarirai, ndatsuŋga kutaura naJehova; ɀimŋe ʋanamakumi maʋiri ʋacawanikwa’mo. Akati: Handiŋgariparadzi nokuɗa kwamakumi maʋiri.
32Akati: Jehova ŋgaarege hake kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; ɀimŋe ʋanegumi rimŋe cete ʋangawanikwa’mo. Akati: Handiŋgariparadzi nokuɗa kwaiʋaʋo ʋanegumi.
33Ipapo Jehova akabva, apedza kutaura naAbrahama; naAbrahama wakadzokera kumba kwake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.