Genesi 18 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Abrahama unonyeŋgeterera Sodoma.

1Ɀino Jehova wakaɀiratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamre, agere pamukoʋa wetente masikati zuʋa ricipisa;

2akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona ʋarume ʋatatu ʋamire ʋakatarisana naye; wakati aciʋaʋona, akabva pamukoʋa wetente, akamhanya kundosoŋgana naʋo, akakotamira pasi,

3akati: Ishe waŋgu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuʋura henyu pamuranda wenyu.

4Ŋgaʋaʋuye nemvura shomanene, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;

5ini nditore cimeɗu ceciŋgwa, musimbise mŋoyo yenyu; mugozopfuʋura henyu, nokuti ndiɀo ɀamaʋuyira kumuranda wenyu. Iʋo ʋakati: Ita hako seɀawataura.

6Abrahama akakurumidza kupinda mutente kunaSara, akati: Kurumidza ugadzire ɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu bgakatsetseka, ukanye, uɓike ɀiŋgwa ɀiɗuku.

7Naiye Abrahama akamhanyira kuŋombe, akatora mhuru inenyama yakapfaʋa, yakanaka, akapa muranda wake; iye akakurumidza kuigadzira.

8Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakaŋga agadzira, akaɀiisa pamberi paʋo; akamira naʋo munyasi momuti, ʋakadya.

9Iʋo ʋakati kwaari: Sara, mukadzi wako, uripiko Iye akati: Tarirai, uri mutente.

10Iye akati: Ɀirokwaɀo, kana gore rapfuʋura, ndicaʋuya ɀe kwauri; neŋguʋa iyo Sara, mukadzi wako, ucaʋa nomŋanakomana. Ɀino Sara wakaŋga aciterera ari pamukoʋa wetente shure kwake.

11Ɀino Abrahama naSara ʋakaŋga ʋakwegura, ʋaʋa namakore mazhinji; nomutoʋo waʋakadzi wakaŋga watoguma kunaSara.

12Sara akaseka mumŋoyo make, akati: Ini ndiŋgaɀifarira here ɀandacembera, naiye tenzi waŋgu akwegura ʋo?

13Jehova akati kunaAbrahama: Sara wasekereiko, aciti: Ko ini mucembere ndicaɓereka mŋana ɀirokwaɀo here?

14Kunecinhu ciŋgakunda Jehova here? Ŋguʋa ino, gore rapfuʋura, ndicadzokera kwauri; Sara ucaʋa nomŋanakomana.

15Asi Sara wakaramba, aciti: Handina‐kuseka; nokuti wakaŋga acitya. Iye akati: Kwete, waseka hako.

16Ɀino ʋaya ʋarume ʋakasimuka, ʋakabva ipapo, ʋakatarira Sodoma; Abrahama akaenda naʋo aciʋaperekedza.

17Ɀino Jehova akati: Ndicaʋanzira Abrahama ɀandinoita here?

18Abrahama ɀaacaʋa rudzi rukuru runesimba, nendudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa maari?

19Nokuti ndakamutsaura, kuti araire ʋana ʋake naʋeimba yake ʋanomuteʋera, kuti ʋaceŋgete nzira yaJehova, ʋaite ɀakarurama neɀakanaka; kuti Jehova aʋuyise pamsoro paAbrahama iɀo ɀaakataura pamsoro pake.

20Ipapo Jehova akati: Kuɗanidzira kweSodoma neGomora kukuru kwaɀo; ɀirokwaɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀakaipa kwaɀo;

21ndicaɓuruka ɀino kuti ndiʋone iɀo ɀaʋaita, kana ɀakafanana nokuɗanidzira kwaʋo kwakaȿika kwandiri; kana ɀisina‐kuɗaro, ndicaɀiziʋa.

22Ɀino ʋaya ʋarume ʋakabva, ʋakaenda Sodoma; asi Abrahama wakaramba amire pamberi paJehova.

23Ɀino Abrahama wakasweɗera, akati: Mucaparadza ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa here?

24Ɀimŋe ʋaŋgaʋa’po ʋakarurama ʋanamakumi mashanu muguta; mucaparadza nɀimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuɗa kwaʋakarurama ʋanamakumi mashanu ʋari’mo here?

25Ŋgaɀiʋe kure nemi kuita kuɗaro, kuʋuraya ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa, kuti ʋakarurama ʋaʋe saʋakaipa; ŋgaɀiʋe kure nemi; Mutoŋgi wenyika yose haaŋgaiti ɀakarurama here?

26Ipapo Jehova akati: Kana ndikawana muSodoma ʋakarurama ʋanamakumi mashanu mukati meguta, ndicanzwira nɀimbo yose tsitsi nokuɗa kwaʋo.

27Abrahama akapindura, akati: Tarirai ɀino, ndatsuŋga kutaura naJehova, ini guruʋa neɗota haŋgu;

28ɀimŋe kucashaikwa ʋashanu kuʋakarurama ʋanamakumi mashanu; muŋgaparadza guta rose kana ʋashanu ʋashaikwa here? Akati: Handiŋgariparadzi, kana ndikawana’mo makumi manna naʋashanu.

29Akataura ɀe naye, akati: Ɀimŋe kucawanikwa’mo makumi manna. Akati: Handiŋgaɀiiti nokuɗa kwamakumi manna.

30Akati: Jehova ŋgaarege hake kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe: Ɀimŋe ʋanamakumi matatu ʋacawanikwa’mo. Akati: Handiŋgaɀiiti, kana ndikawana makumi matatu.

31Akati: Tarirai, ndatsuŋga kutaura naJehova; ɀimŋe ʋanamakumi maʋiri ʋacawanikwa’mo. Akati: Handiŋgariparadzi nokuɗa kwamakumi maʋiri.

32Akati: Jehova ŋgaarege hake kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; ɀimŋe ʋanegumi rimŋe cete ʋangawanikwa’mo. Akati: Handiŋgariparadzi nokuɗa kwaiʋaʋo ʋanegumi.

33Ipapo Jehova akabva, apedza kutaura naAbrahama; naAbrahama wakadzokera kumba kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help