1Haiwa Jehova, Ishe weɗu,
Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose!
Makaisa ʋumambo bgenyu kuɗeŋga.
2Pamiromo yaʋacece naʋanomŋa makaisa simba,
Nokuɗa kwaʋadziʋisi ʋenyu,
Kuti munyaradze muʋeŋgi nomutsiʋi.
3Kana ndicicerekedza ɗeŋga renyu rose, iro ɓasa reminwe yenyu,
Mŋedzi nenyeredzi ɀamakaroŋgedza;
4Munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga?
Nomŋanakomana womunhu ɀamunomushanyira?
5Nokuti makamuita muɗuku ɀishoma kunaMŋari,
Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa.
6Makamuɓatisa ʋushe bgamaɓasa amaʋoko enyu;
Makaisa ɀose pasi petsoka dzake.
7Makwai ose nenzombe,
Nemhuka dzesaŋgo;
8Neshiri dzokuɗeŋga, nehoʋe dzeguŋgwa,
Iɀo ɀose ɀinofamba nenzira dzeguŋgwa.
9Haiwa Jehova, Ishe weɗu,
Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.