Hosea 9 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Regai kufara, imi Israeri, mucifarisisa samarudzi aʋanhu; nokuti makapata, mucisiya Mŋari wenyu; makaɗa muɓairo wokufeʋa pamapuriro ose eɀiyo.

2Ƃuriro neciȿiniro cewaini haɀiŋgaʋagutsi, waini itȿa icaʋanyeŋgera.

3Haʋaŋgagari munyika yaJehova; asi Efraimi ʋacadzokera Egipita, ʋacadya ɀokudya ɀinetȿina paAsiria.

4Haʋaŋgaɗiriri Jehova waini, ɀiɓayiro ɀaʋo haɀiŋgamufadzi; ɀiɓayiro ɀaʋo ɀicaita kwaʋari seɀokudya ɀaʋanocema; ʋose, ʋanoɀidya, ʋacaȿiɓiswa, nokuti ɀokudya ɀaʋo ndeɀaʋo ɀoga, haɀiŋgaȿiki muimba yaJehova.

5Mucaɓateiko nezuʋa reʋuŋgano dzakatarwa, nezuʋa remitambo yaJehova?

6Nokuti tarirai, ʋakabva nokuɗa kwokuparadzwa, asi ʋaEgipita ʋacaʋaʋuŋganidza, ʋeMemfisi ʋacaʋaʋiga; rukato rucaʋatorera ɀinhu ɀaʋo ɀesirveri ɀinofadza; minzwa icaʋa mumatente aʋo.

7Mazuʋa okurobga aȿika, mazuʋa okutsiʋa aȿika; Israeri ʋacaɀiziʋa; muprofita iɓenzi, munhu unomŋeya unopeŋga, nemhaka yokuwanda kweɀakaipa ɀenyu, ʋuye nokuti ruʋeŋgo rukuru.

8Efraimi mushori kunaMŋari waŋgu; kana ari muprofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruʋeŋgo muimba yaMŋari wake.

9Ʋakaɀishatisa ɀikuru kwaɀo, sapamazuʋa eGibea; ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, ucaʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo.

10Ndakawana Israeri ʋakaita samazambiriŋga murenje; ndakaʋona madziɓaɓa enyu ʋakaita seɀiɓereko ɀakataŋga kuibva pamuʋonde paŋguʋa yawo yokuɓereka yokutaŋga; asi ʋakaȿika paBaari‐peori, ʋakaɀiisa kuneɀinonyadzisa, ʋakaitwa ɀinonyaŋgadza ʋacifanana neɀaiɗikanwa naʋo.

11Kana ʋari Efraimi, kukudzwa kwaʋo kucabururuka seshiri; kuɓereka hakuŋgaʋi’po, kana kukurirwa, kana kunaka pamuʋiri.

12Kunyaŋge ʋakarera ʋana ʋaʋo, ndicaʋatorera iʋo, kuȿikira kusisinomunhu; ɀirokwaɀo, ʋacaʋa nenhamo ʋo, kana ini ndaʋasiya.

13Seɀandakatsaura Tire, Efraimi ʋakasimŋa pakanaka; asi Efraimi ʋacaɓuɗisira muʋurayi ʋana ʋaʋo.

14Ciʋapai, Jehova — mucaʋapeiko? Ciʋapai ɀiɀaro ɀinoshaya namazamu asinomukaka.

15Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀiri paGirgari, nokuti ndi’po pandakaʋaʋeŋga; nemhaka yeɀakaipa ɀaʋanoita ndicaʋadziŋga paimba yaŋgu, handicaʋaɗi; macinda aʋo ose akandimukira.

16Efraimi ʋarobga, mudzi waʋo wawoma, haʋaŋgazoɓereki ɀiɓereko; ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋakaɓereka, ndicaʋuraya ʋaɗikanwa ʋakaɓerekwa neɀiɀaro ɀaʋo.

17Mŋari waŋgu ucaʋarasha, nokuti haʋana‐kumunzwa; ʋacaʋa ʋadzuŋgairi pakati pamarudzi aʋanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help