1Regai kufara, imi Israeri, mucifarisisa samarudzi aʋanhu; nokuti makapata, mucisiya Mŋari wenyu; makaɗa muɓairo wokufeʋa pamapuriro ose eɀiyo.
2Ƃuriro neciȿiniro cewaini haɀiŋgaʋagutsi, waini itȿa icaʋanyeŋgera.
3Haʋaŋgagari munyika yaJehova; asi Efraimi ʋacadzokera Egipita, ʋacadya ɀokudya ɀinetȿina paAsiria.
4Haʋaŋgaɗiriri Jehova waini, ɀiɓayiro ɀaʋo haɀiŋgamufadzi; ɀiɓayiro ɀaʋo ɀicaita kwaʋari seɀokudya ɀaʋanocema; ʋose, ʋanoɀidya, ʋacaȿiɓiswa, nokuti ɀokudya ɀaʋo ndeɀaʋo ɀoga, haɀiŋgaȿiki muimba yaJehova.
5Mucaɓateiko nezuʋa reʋuŋgano dzakatarwa, nezuʋa remitambo yaJehova?
6Nokuti tarirai, ʋakabva nokuɗa kwokuparadzwa, asi ʋaEgipita ʋacaʋaʋuŋganidza, ʋeMemfisi ʋacaʋaʋiga; rukato rucaʋatorera ɀinhu ɀaʋo ɀesirveri ɀinofadza; minzwa icaʋa mumatente aʋo.
7Mazuʋa okurobga aȿika, mazuʋa okutsiʋa aȿika; Israeri ʋacaɀiziʋa; muprofita iɓenzi, munhu unomŋeya unopeŋga, nemhaka yokuwanda kweɀakaipa ɀenyu, ʋuye nokuti ruʋeŋgo rukuru.
8Efraimi mushori kunaMŋari waŋgu; kana ari muprofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruʋeŋgo muimba yaMŋari wake.
9Ʋakaɀishatisa ɀikuru kwaɀo, sapamazuʋa eGibea; ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, ucaʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo.
10Ndakawana Israeri ʋakaita samazambiriŋga murenje; ndakaʋona madziɓaɓa enyu ʋakaita seɀiɓereko ɀakataŋga kuibva pamuʋonde paŋguʋa yawo yokuɓereka yokutaŋga; asi ʋakaȿika paBaari‐peori, ʋakaɀiisa kuneɀinonyadzisa, ʋakaitwa ɀinonyaŋgadza ʋacifanana neɀaiɗikanwa naʋo.
11Kana ʋari Efraimi, kukudzwa kwaʋo kucabururuka seshiri; kuɓereka hakuŋgaʋi’po, kana kukurirwa, kana kunaka pamuʋiri.
12Kunyaŋge ʋakarera ʋana ʋaʋo, ndicaʋatorera iʋo, kuȿikira kusisinomunhu; ɀirokwaɀo, ʋacaʋa nenhamo ʋo, kana ini ndaʋasiya.
13Seɀandakatsaura Tire, Efraimi ʋakasimŋa pakanaka; asi Efraimi ʋacaɓuɗisira muʋurayi ʋana ʋaʋo.
14Ciʋapai, Jehova — mucaʋapeiko? Ciʋapai ɀiɀaro ɀinoshaya namazamu asinomukaka.
15Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀiri paGirgari, nokuti ndi’po pandakaʋaʋeŋga; nemhaka yeɀakaipa ɀaʋanoita ndicaʋadziŋga paimba yaŋgu, handicaʋaɗi; macinda aʋo ose akandimukira.
16Efraimi ʋarobga, mudzi waʋo wawoma, haʋaŋgazoɓereki ɀiɓereko; ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋakaɓereka, ndicaʋuraya ʋaɗikanwa ʋakaɓerekwa neɀiɀaro ɀaʋo.
17Mŋari waŋgu ucaʋarasha, nokuti haʋana‐kumunzwa; ʋacaʋa ʋadzuŋgairi pakati pamarudzi aʋanhu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.