1Haiwa, imi Israeri, dzokerai kunaJehova Mŋari wenyu, nokuti makagumburwa neɀakaipa ɀenyu.
2Endai namashoko, mudzokere kunaJehova, muti kwaari: Bvisai ɀakaipa ɀose, mugamucire ɀinhu ɀakanaka, ipapo ticakupai miromo yeɗu, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɗu.
3Asiria haʋaŋgatiponesi; hatiŋgataȿi mabiza, hatiŋgazoti kuɓasa ramaʋoko eɗu: Ndimi ʋamŋari ʋeɗu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
4Ndicaporesa kudzokera kwaʋo shure, ndicaʋaɗa nokuɗa kwaŋgu; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kwabviswa kwaʋari.
5Ndicaʋa seɗoʋa kunaIsraeri, ʋacatuŋga seruʋa, ʋacatanda midzi yaʋo seRebanoni.
6Mataʋi aʋo acatanda, kunaka kwaʋo kucafanana nomuorivi, nokunhuwira kwaʋo sokweRebanoni.
7Ʋanogara mumumvuri waʋo ʋacadzoka, ʋacararama seɀiyo, nokutuŋga maruʋa somuzambiriŋga; kurumbidzwa kwaʋo kucafanana newaini yeRebanoni.
8Efraimi, ndicineiko neɀifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuʋonde mutema, ɀiɓereko ɀako ɀicawanikwa kwandiri.
9Ndianiko wakacenjera, anzwisise ɀinhu iɀi, kana wakaŋgwara, aɀiziʋe? Nokuti nzira dzaJehova dzakarurama, ʋakarurama ʋacafamba nadzo; asi ʋaɗariki ʋacawa madziri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.