II Makoronike 14 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Asa mambo waJuda.

1Ɀino Abija wakaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi; Asa mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe; pamazuʋa ake nyika yakaŋga inorugare makore anegumi.

2Asa akaita ɀakanaka neɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wake.

3Nokuti wakabvisa artari dzaʋamŋari ʋatorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, nokutema ʋo matanda okunamata nawo;

4akaraira ʋaJuda kuti ʋatȿake Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, nokuceŋgeta murau nomurairo.

5Akabvisa ʋo pamaguta ose aʋaJuda matunhu akakwirira neɀifananidzo ɀezuʋa; ʋushe ʋukaʋa norugare iye ari mambo.

6Akaʋaka maguta akakombga paJuda; nokuti nyika yakaŋga inorugare, wakaŋga asina‐kurwa pamakore iwayo; nokuti Jehova wakaŋga amuzorodza.

7Nokuti wakati kuʋaJuda: Ŋgatiʋake maguta iwayo, tiapoteredze namaȿiŋgo, neshoŋgwe, namasuʋo, namazariro; nyika iciri pamberi peɗu, nokuti takatȿaka Jehova Mŋari weɗu; takamutȿaka, akatizorodza pamatiʋi ose. Ipapo ʋakaʋaka, ʋakagara ɀakanaka.

8Asa wakaŋga anehondo yaʋaJuda, ʋaneɀuru ɀinamazana matatu, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo huru namapfumo; neyaʋaBenjamini ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri namakumi masere, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo ʋaifura noʋuta; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare.

9Ɀino Zera muEtiopia wakaʋuya kuzorwa naʋo nehondo yaʋanhu ʋaneɀuru ɀeɀuru, neŋgoro dzinamazana matatu; akaȿika Maresha.

10Ipapo Asa akaɓuɗa kuzorwa naye, ʋakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.

11Asa akacema kunaJehova Mŋari wake, akati: Jehova hakuna‐uŋgaɓatsira usinesimba kurwa nounesimba, asi imi moga; tiɓatsirei Jehova Mŋari weɗu; nokuti tinoʋimba nemi, taȿika kuzorwa naʋazhinji aʋa nezita renyu. Imi Jehova, ndimi Mŋari weɗu; munhu ŋgaarege kukukundai imi.

12Ipapo Jehova akaparadza ʋaEtiopia pamberi paAsa, napamberi paʋaJuda, ʋaEtiopia ʋakatiza.

13Asa naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakaʋateʋerera kuȿikira paGerari; ʋaEtiopia ʋakaʋurawa ʋazhinji, ʋakakoniwa kuzosimba ɀe; nokuti ʋakaparadzwa pamberi peJehova napamberi pehondo yake; ʋakaenda neɀizhinji kwaɀo ɀaʋakapamba.

14Ʋakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti ʋakavunduswa naJehova; ʋakapamba maguta ose, nokuti kwakaŋga kuneɀiŋgapambga ɀizhinji maari.

15Ʋakaparadza ʋo matente eɀipfuwo, ʋakatapa makwai mazhinji namakamera, ndokudzokera Jerusarema.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help