Isaya 31 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Egipita haiŋgaɓatsiri, asi Jehova.

1Ʋanenhamo ʋanoɓurukira Egipita kundotȿaka kuɓatsirwa, ʋanotenda mabiza, ʋanoʋimba neŋgoro dzokurwa nokuti izhinji, ʋuye naʋataȿi ʋamabiza nokuti ʋanesimba kwaɀo, asi haʋatariri kunoMutȿene waIsraeri, kana kutȿaka Jehova.

2Kunyaŋge ɀakaɗaro naiye wakacenjera, ucaʋuyisa nhamo, haaŋgadzosi mashoko ake, asi ucamukira imba yaʋanoita ɀakaipa, naʋanoɓatsirana naʋanoita ɀakaipa.

3Ɀino ʋaEgipita ʋanhu, haʋazi Mŋari, namabiza aʋo inyama, haazi mŋeya; ɀino kana Jehova acitambanudza ruʋoko rwake, unoɓatsira ucagumburwa nounoɓatsirwa ucawira pasi, ʋose ʋacapera pamŋe cete.

4Nokuti ɀanzi naJehova kwandiri: Ɀakaita seshumba nomŋana weshumba ɀinoʋombera cayaɓata; kunyaŋge ʋafudzi ʋazhinji ʋakakokerwa kuzorwa nayo, haiŋgavunduswi namanzwi aʋo, haiŋgaʋi nehanya nokupopota kwaʋo; saiɀoɀo Jehova wehondo ucaɓurukira pamsoro pegomo reZioni napamsoro pecikomo caro kuzorwa naʋo.

5Seshiri dzinoeŋgerera, saiɀoɀo Jehova ucataʋirira Jerusarema; ucaritaʋirira nokurirwira, ucariɗarika nokurisunuŋgura.

6Dzokerai kunaiye wamakamukira ɀikuru, imi ʋana ʋaIsraeri.

7Nokuti nezuʋa iro mumŋe nomumŋe ucarasha ɀifananidzo ɀake ɀe sirveri neɀifananidzo ɀake ɀendarama, ɀamakaɀiitira namaʋoko enyu, ɀikaʋa ɀiʋi kwamuri.

8Ipapo muAsiria ucawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri waʋanhu ucamudya; ucatiza pamberi pomunondo, namajaya ake acaɓatira cibaro.

9Ƌombo rake ricatiza nokutya, macinda ake acavunduswa nomureza, ndiɀo ɀinotaura Jehova, unomŋoto wake paZioni, necoto cake paJerusarema.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help