1Mŋeya waŋgu wapera, mazuʋa aŋgu adzimŋa,
Bgiro bgunondimirira.
2Ɀirokwaɀo, ʋanondiseka ʋaneni;
Ziso raŋgu rinoramba riciʋona kutsamŋa kwaʋo.
3Ɀino ndipikirei, muʋe ruɓatso rwaŋgu kwamuri;
Ndianiko ucaɓatana maʋoko neni?
4Nokuti makaʋanzira mŋoyo yaʋo kunzwisisa;
Naiɀoɀo hamuŋgaʋakudzi.
5Iye, unokwirira shamŋari dzake kuti dzitapxe,
Meso aʋana ʋake acapera.
6Iye wakandiita shumo pakati paʋanhu;
Ndinosemŋa pacena.
7Ziso raŋgu haricaʋoni nemhaka yokucema,
Mitezo yaŋgu yose yafanana nomumvuri.
8Ʋanhu ʋakarurama ʋacakanuka naɀo,
Usinemhaka ucamukira ʋasiŋgaɗi Mŋari.
9Kunyaŋge ɀakaɗaro wakarurama ucarambira panzira yake,
Ʋuye unamaʋoko akanaka ucaramba acisimba.
10Asi imi mose dzokai, muʋuye ɀino;
Nokuti handiŋgawani munhu wakaŋgwara pakati penyu.
11Mazuʋa aŋgu apfuʋura, ɀandaiʋaʋarira ɀakona,
Iyo mifuŋgo yomŋoyo waŋgu.
12Ʋanoshandura ʋusiku aʋe masikati;
Ʋanoti: Ciedza ciri pedyo nerima.
13Kana ndinetariro, Sheori ndiyo imba yaŋgu;
Ndakawadza nhoʋo yaŋgu murima;
14Ndakati kubgiro: Ndiwe ɓaɓa ʋaŋgu;
Nokuhonye: Ndiwe mai ʋaŋgu nehanɀadzi yaŋgu;
15Ɀino tariro yaŋgu iripiko?
Kana iri tariro yaŋgu, ndianiko uŋgaiʋona?
16Icaɓurukira kumazariro eSheori,
Kana zororo yaʋa’po paguruʋa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.