ƲaEfeso 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa;

2fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira.

3Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene;

4neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga.

5Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari.

6Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera.

7Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo;

8nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza.

9(Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi),

10muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe.

11Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire;

12nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga.

13Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza.

14Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera.

15Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera;

16muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa.

17Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe.

18Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya;

19mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu;

20muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu;

21muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu.

Ʋakristu mumba maʋo.

22Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀamunoita kunaShe.

23Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri.

24Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo.

25Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo;

26kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,

27kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa.

28Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa;

29nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀaanoitira kereke;

30nokuti isu tiri mitezo yomuʋiri wake.

31Naiɀoɀo munhu ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake; iʋaʋo ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe.

32Cakaʋanzika ici, cikuru; asi ndinotaura ɀaKristu neɀekereke.

33Asi imi ʋo, mumŋe nomumŋe ŋgaaɗe mukadzi wake seɀaanoɀiɗa iye; nomukadzi ŋgaatye murume wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help