1Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa;
2fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira.
3Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene;
4neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga.
5Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari.
6Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera.
7Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo;
8nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza.
9(Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi),
10muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe.
11Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire;
12nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga.
13Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza.
14Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera.
15Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera;
16muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa.
17Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe.
18Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya;
19mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu;
20muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu;
21muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu.
Ʋakristu mumba maʋo.22Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀamunoita kunaShe.
23Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri.
24Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo.
25Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo;
26kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
27kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa.
28Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa;
29nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀaanoitira kereke;
30nokuti isu tiri mitezo yomuʋiri wake.
31Naiɀoɀo munhu ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake; iʋaʋo ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe.
32Cakaʋanzika ici, cikuru; asi ndinotaura ɀaKristu neɀekereke.
33Asi imi ʋo, mumŋe nomumŋe ŋgaaɗe mukadzi wake seɀaanoɀiɗa iye; nomukadzi ŋgaatye murume wake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.