1Nezuʋa iro rwiyo urwu rucaimbga panyika yaʋaJuda: Tineguta rakasimba; iye ucaisa’po maȿiŋgo nenhare ruʋe ruponeso.
2Zarurai masuʋo, kuti rudzi rwakarurama, runoceŋgeta ɀokwaɗi, rupinde.
3Unomŋoyo wakasimba mucamuceŋgeta murugare rukuru, nokuti unoʋimba nemi.
4Ʋimbai naJehova nokusiŋgaperi; nokuti munaJehova, iye Jehova, muneɗombo risiŋgaperi.
5Nokuti wakaɗeredza ʋagere pakakwirira, iro guta riri kumsoro; unoriɗeredza, unoriɗeredza kuȿikira pavu; unoriputsira pasi muguruʋa.
6Ricatsikwa netsoka, idzo tsoka dzaʋarombo, nokutsika kwaʋanoshaiwa.
7Nzira yaʋakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yaʋakarurama.
8Ɀirokwaɀo, takakumirirai Jehova, panzira yokutoŋga kwenyu; mŋeya yeɗu inoshuʋa zita renyu neciraŋgaridzo cenyu.
9Ndakakushuʋai nomŋeya waŋgu ʋusiku; ɀirokwaɀo, ndicakutȿakai ɀikuru nomŋeya waŋgu uri mukati maŋgu; nokuti kana kutoŋga kwenyu kuri panyika, ʋanhu ʋagere munyika ʋanodzidza ɀakarurama.
10Wakaipa kunyaŋge acinzwirwa tsitsi, haaŋgadzidzi ɀakarurama; ucaita hake ɀisakarurama panyika yakarurama, haaŋgaʋoni ʋumambo bgaJehova.
11Jehova, ruʋoko rwenyu rwakasimudzwa, asi haʋaʋoni; asi ʋacaʋona kushiŋgaira kwenyu pamsoro paʋanhu, ʋakanyadziswa; ɀirokwaɀo mŋoto ucapedza ʋaʋeŋgi ʋenyu.
12Jehova, imi mucatigadzirira rugare; nokuti makatiɓatira ʋo maɓasa eɗu ose.
13Jehova Mŋari weɗu, mamŋe madzishe kunze kwenyu akaŋga akatiɓata; asi ticarumbidza zita renyu ticiɓatsirwa nemi moga.
14Ʋakafa haʋaŋgararami ɀe, ʋaparara, haʋazomuki ɀe; saka makaȿika kwaʋari, mukaʋaparadza, nokugumisa kuraŋgarirwa kwaʋo kwose.
15Mawanza rudzi, Jehova, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.
16Jehova, ʋakakutȿakai paŋguʋa yokutambudzika; ʋakaɗurura munyeŋgetero muciʋaraŋga.
17Mukadzi unemimba, waȿika pedyo pakusurumuka, seɀaanorwadziwa acicema pakurwadziwa kwake, ndiɀo ɀatakaŋga takaita pamberi penyu, Jehova.
18Isu takaŋga tinemimba, takaŋga tiri pakurwadziwa, takaɓereka ɀineŋge mhepo ɓedzi; hatinakuʋigira nyika sunuŋguro, ʋuye ʋaŋgagara panyika haʋana‐kuɀarwa.
19Ʋakafa ʋenyu ʋacararama, ɀitunha ɀaŋgu ɀicamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruʋa; nokuti ɗoʋa renyu rakaita seɗoʋa reciedza; nyika icaɓuɗisa ʋakafa.
20Ʋuyai ʋanhu ʋaŋgu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikoʋa yenyu shure kwenyu; muʋande ŋguʋa ɗuku, kuȿikira kutsamŋa kwapfuʋura.
21Nokuti tarira, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake kuroʋa ʋagere panyika nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo; nyika ʋo icafukura ropa rayo, ikasazofukidza ɀe ʋakaʋurawa ʋayo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.