Isaya 26 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rucaimbga panyika yaʋaJuda.

1Nezuʋa iro rwiyo urwu rucaimbga panyika yaʋaJuda: Tineguta rakasimba; iye ucaisa’po maȿiŋgo nenhare ruʋe ruponeso.

2Zarurai masuʋo, kuti rudzi rwakarurama, runoceŋgeta ɀokwaɗi, rupinde.

3Unomŋoyo wakasimba mucamuceŋgeta murugare rukuru, nokuti unoʋimba nemi.

4Ʋimbai naJehova nokusiŋgaperi; nokuti munaJehova, iye Jehova, muneɗombo risiŋgaperi.

5Nokuti wakaɗeredza ʋagere pakakwirira, iro guta riri kumsoro; unoriɗeredza, unoriɗeredza kuȿikira pavu; unoriputsira pasi muguruʋa.

6Ricatsikwa netsoka, idzo tsoka dzaʋarombo, nokutsika kwaʋanoshaiwa.

7Nzira yaʋakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yaʋakarurama.

8Ɀirokwaɀo, takakumirirai Jehova, panzira yokutoŋga kwenyu; mŋeya yeɗu inoshuʋa zita renyu neciraŋgaridzo cenyu.

9Ndakakushuʋai nomŋeya waŋgu ʋusiku; ɀirokwaɀo, ndicakutȿakai ɀikuru nomŋeya waŋgu uri mukati maŋgu; nokuti kana kutoŋga kwenyu kuri panyika, ʋanhu ʋagere munyika ʋanodzidza ɀakarurama.

10Wakaipa kunyaŋge acinzwirwa tsitsi, haaŋgadzidzi ɀakarurama; ucaita hake ɀisakarurama panyika yakarurama, haaŋgaʋoni ʋumambo bgaJehova.

11Jehova, ruʋoko rwenyu rwakasimudzwa, asi haʋaʋoni; asi ʋacaʋona kushiŋgaira kwenyu pamsoro paʋanhu, ʋakanyadziswa; ɀirokwaɀo mŋoto ucapedza ʋaʋeŋgi ʋenyu.

12Jehova, imi mucatigadzirira rugare; nokuti makatiɓatira ʋo maɓasa eɗu ose.

13Jehova Mŋari weɗu, mamŋe madzishe kunze kwenyu akaŋga akatiɓata; asi ticarumbidza zita renyu ticiɓatsirwa nemi moga.

14Ʋakafa haʋaŋgararami ɀe, ʋaparara, haʋazomuki ɀe; saka makaȿika kwaʋari, mukaʋaparadza, nokugumisa kuraŋgarirwa kwaʋo kwose.

15Mawanza rudzi, Jehova, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.

16Jehova, ʋakakutȿakai paŋguʋa yokutambudzika; ʋakaɗurura munyeŋgetero muciʋaraŋga.

17Mukadzi unemimba, waȿika pedyo pakusurumuka, seɀaanorwadziwa acicema pakurwadziwa kwake, ndiɀo ɀatakaŋga takaita pamberi penyu, Jehova.

18Isu takaŋga tinemimba, takaŋga tiri pakurwadziwa, takaɓereka ɀineŋge mhepo ɓedzi; hatinakuʋigira nyika sunuŋguro, ʋuye ʋaŋgagara panyika haʋana‐kuɀarwa.

19Ʋakafa ʋenyu ʋacararama, ɀitunha ɀaŋgu ɀicamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruʋa; nokuti ɗoʋa renyu rakaita seɗoʋa reciedza; nyika icaɓuɗisa ʋakafa.

20Ʋuyai ʋanhu ʋaŋgu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikoʋa yenyu shure kwenyu; muʋande ŋguʋa ɗuku, kuȿikira kutsamŋa kwapfuʋura.

21Nokuti tarira, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake kuroʋa ʋagere panyika nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo; nyika ʋo icafukura ropa rayo, ikasazofukidza ɀe ʋakaʋurawa ʋayo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help