Ɀireʋo 26 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Seɀakaita cando muzhezha, ʋuye seɀakaita mvura mukuceka,

Saiɀoɀo kukudzwa hakufaniri ɓenzi.

2Seɀinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyeŋganyeŋga pakubururuka kwayo,

Saiɀoɀo kutuka pasinemhoȿa hakuitiki.

3Tyaʋa yakaitirwa biza, namatomu mboŋgoro,

Neshamhu musana wamapenzi.

4Usapindura ɓenzi noʋupenzi bgaro,

Kuti urege kufanana naro.

5Pindura ɓenzi noʋupenzi bgaro,

Kuti rirego‐ti rakacenjera.

6Unotuma shoko noruʋoko rweɓenzi,

Unoɀigura tsoka, nokunwa kutambudzika.

7Makumbo ecirema anoŋgoremberera;

Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi.

8Somunhu unosuŋgira ibge pacifuramabge,

Ndiɀo ɀakaita iye unokudza ɓenzi.

9Seɀinoita minzwa muruʋoko rwomukariri weɗoro,

Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi.

10Somufuri wemiseʋe, unofura ɀose,

Ndiɀo ɀakaita munhu unoseʋenzesa ɓenzi nounoseʋenzesa ʋafambi.

11Sembga inodzokera kumarutsi ayo,

Ndiɀo ɀakaita ɓenzi rinopamhidza ʋupenzi bgaro.

12Unoʋona munhu unoti ndakacenjera here?

Ƃenzi riri nani kunaiye.

13Simbe inoti: Kuneshumba panzira;

Shumba iri munzira dzomumusha.

14Gonhi rinotendereka pamahinji aro;

Ndiɀo ɀinoita simbe panhoʋo dzayo.

15Simbe inopinza ruʋoko rwayo mundiro,

Inoʋusimbe kurudzosera ɀe kumuromo wayo.

16Simbe inoɀiti ndakacenjera

Kupfuʋura ʋanhu ʋanomŋe ʋanogona kupindura nenjere.

17Somunhu unoɓata imbga nenzeʋe dzayo, iciŋgopfuʋura hayo,

Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀipinza pagakaʋa raasinemhoȿa naro.

18Somupeŋgo unokanda ɀitsika,

Nemiseʋe, neɀinoʋuraya,

19Ndiɀo ɀinoita munhu unonyeŋgedzera wokwake,

Aciti: Ndinoŋgoita ɀaŋgu jeye!

20Mŋoto unodzima nokushaiwa huni;

Ʋuye kana kusinomuceri, gakaʋa rinopera.

21Seɀakaita mazimbe paɀitsika ɀinopfuta, nehuni pamŋoto,

Ndiɀo ɀakaita munhu wegakaʋa pakupfutidza rukaʋe.

22Mashoko omuceri akaita seɀimeɗu ɀinozipa,

Ɀinoɓurukira mukati‐kati momuʋiri.

23Miromo inopisa noruɗo pamŋe cete nomŋoyo wakaipa,

Ɀakafanana nomudziyo wevu wakanamirwa namarara anobva pasirveri.

24Muʋeŋgi unonyeŋgedzera nemiromo yake,

Asi unoʋanza kunyeŋgedzera mumŋoyo make.

25Kana acitaura ɀinonaka, usamutenda;

Nokuti mumŋoyo make muneɀinonyaŋgadza ɀinomŋe.

26Kunyaŋge kuʋeŋga kwake kuciɀiʋanza nokunyeŋgedzera,

Kushata kwake kucaɓuɗiswa pacena pamberi peʋuŋgano.

27Aninani unocera gomba, ucawira’mo iye;

Unokuŋgurusa ibge, ricadzokera pamsoro pake.

28Rurimi rwenhema runoʋeŋga wakuʋadzwa narwo;

Nomuromo unoɓata kumeso unoparadza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help