Mapisarema 149 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rumbidzai Jehova nokuti ndiye unokundisa.

1Hareruya!

Imbirai Jehova rwiyo rutȿa,

Nokurumbidzwa kwake paʋuŋgano yaʋatȿene.

2Israeri ŋgaafarire kwaɀo musiki wake;

Ʋana ʋeZioni ŋgaʋaʋe nomufaro naMambo waʋo.

3Ŋgaʋarumbidze zita rake ʋacimutambira;

Ŋgaʋamuimbire nziyo dzokurumbidza neŋgoma nembira.

4Nokuti Jehova unofarira ʋanhu ʋake;

Ucashoŋgedza ʋanyoro noruponeso;

5Ʋatȿene ŋgaʋafare kwaɀo nokukudziwa;

Ŋgaʋaimbe nomufaro panhoʋo dzaʋo.

6Kurumbidza kukuru kwaMŋari ŋgakuʋe pahuro dzaʋo,

Nomunondo unoceka kwose paruʋoko rwaʋo;

7Kuti ʋatsiʋe ʋahedeni;

Ʋaraŋge ndudzi dzaʋanhu;

8Kuti ʋasuŋge madzimambo aʋo neketani,

Naʋakuru ʋaʋo neɀisuŋgo ɀamatare.

9Kuti ʋaʋaitire ɀaʋakatoŋgerwa ɀakanyorwa;

Ʋatȿene ʋake ʋose ʋacakudzwa naiɀoɀi.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help