Mapisarema 112 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kuropafadzwa kwomunhu unoɗa Jehova.

1Hareruya!

Wakaropafadzwa munhu unotya Jehova,

Unofarira ɀikuru mirairo yake.

2Ʋana ʋake ʋacaʋa nesimba pasi;

Rudzi rwowakarurama rucaropafadzwa.

3Fuma neɀakawanda ɀiri mumba make;

Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi.

4Wakarurama unoɓuɗirwa neciedza parima;

Iye unenyasha, netsitsi, nokururama.

5Unomufaro munhu uyo unoita nenyasha, unopa cikwerete;

Ucaruramisirwa mhaka yake pakutoŋga.

6Nokuti haaŋgatoŋgozunuŋguswi;

Wakarurama ucaramba aciraŋgarirwa nokusiŋgaperi.

7Haaŋgatyi mashoko eɀinhu ɀakaipa;

Mŋoyo wake wakasimba, ucaʋimba naJehova.

8Mŋoyo wake wakasimbiswa, haaŋgatyi,

Kuȿikira aʋona kukundwa kwaʋadziʋisi ʋake.

9Wakaparadzira, akapa ʋashaiwi;

Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi;

Runyaŋga rwake rucakwiridzwa nokukudzwa.

10Wakaipa ucaɀiʋona, ndokufa neshuŋgu;

Ucageda‐geɗa meno ake, ndokunyauka;

Kuɗa kwowakaipa kucaparara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help