1Hareruya!
Wakaropafadzwa munhu unotya Jehova,
Unofarira ɀikuru mirairo yake.
2Ʋana ʋake ʋacaʋa nesimba pasi;
Rudzi rwowakarurama rucaropafadzwa.
3Fuma neɀakawanda ɀiri mumba make;
Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi.
4Wakarurama unoɓuɗirwa neciedza parima;
Iye unenyasha, netsitsi, nokururama.
5Unomufaro munhu uyo unoita nenyasha, unopa cikwerete;
Ucaruramisirwa mhaka yake pakutoŋga.
6Nokuti haaŋgatoŋgozunuŋguswi;
Wakarurama ucaramba aciraŋgarirwa nokusiŋgaperi.
7Haaŋgatyi mashoko eɀinhu ɀakaipa;
Mŋoyo wake wakasimba, ucaʋimba naJehova.
8Mŋoyo wake wakasimbiswa, haaŋgatyi,
Kuȿikira aʋona kukundwa kwaʋadziʋisi ʋake.
9Wakaparadzira, akapa ʋashaiwi;
Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi;
Runyaŋga rwake rucakwiridzwa nokukudzwa.
10Wakaipa ucaɀiʋona, ndokufa neshuŋgu;
Ucageda‐geɗa meno ake, ndokunyauka;
Kuɗa kwowakaipa kucaparara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.