1Ɀino negore recinomŋe raJehu, Jehoashi wakataŋga kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna; zita ramai ʋake rakaŋga riri Zibia weBeeri‐sheba.
2Jehoashi akaita ɀakanaka pamberi paJehova mazuʋa ake ose, aakadzidziswa nawo nomuprista Jehoyada.
3Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira ɀiɓayiro nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
4Ɀino Jehoashi akati kuʋaprista: Mari yose yeɀinhu ɀakatsaurwa, inoiswa mumba maJehova, mari yaʋanhu ʋakaʋereŋgwa, nemari yaʋose seɀaʋakatarirwa mumŋe nomumŋe, nemari yose, inoiswa mumba maJehova nomumŋe nomumŋe nomŋoyo wake,
5ʋaprista ŋgaʋatore mari iyo, mumŋe nomumŋe kumuzikanwi wake, ʋagadzire ɀakaputsika paimba, pose pose paʋanowana pakaputsika.
6Asi negore ramakumi maʋiri namatatu ramambo Jehoashi ʋaprista ʋakaŋga ʋacigere kugadzira ɀakaputsika paimba.
7Ɀino mambo Jehoashi akaɗana muprista Jehoyada naʋamŋe ʋaprista, akati kwaʋari: Munoregereiko kugadzira ɀakaputsika paimba? Naiɀoɀo ɀino ciregai kutora mari kuʋazikanwi ʋenyu, asi muiɓuɗisire ɀakaputsika paimba.
8Ʋaprista ʋakatenda kusatora mari kuʋanhu, kunyaŋge kugadzira ɀakaputsika paimba.
9Asi muprista Jehoyada wakatora bokisi, akabvoʋora ʋuri pacifunhiro caro, akarigadzika kurutiʋi rweartari, kurudyi rwomunhu, kana acipinda paimba yaJehova.
10Ɀino ʋakati kana ʋoʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo mubokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru ndokuʋuya, ndokuiisa muhomo, ʋaciʋereŋga mari yakawanikwa mumba maJehova.
11Ʋakaisa mari yakayerwa mumaʋoko aʋaiɓata ɓasa iro, ʋaitarira imba yaJehova; ɀino iʋo ʋairipira nayo ʋaʋezi naʋaʋaki ʋaiɓata paimba yeJehova,
12naʋairoŋga naʋaiʋeza mabge, ʋakateŋga matanda namabge akaʋezwa okugadzirisa nawo ɀakaputsika paimba yaJehova, nokuripira ɀose ɀaiɗikanwa kuzogadzirisa naɀo imba.
13Asi haʋana‐kuitira imba yaJehova mikombe yesirveri, nembato dzemŋenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirveri, nemari yakaiswa mumba maJehova,
14nokuti ʋakaiisa kunaʋaiɓate‐ɓasa, kuti ʋagadzirise imba yaJehova nayo.
15Ʋuye haʋana‐kuzobvunza ʋanhu aʋo, ʋaʋaipa mari mumaʋoko aʋo, kuzoripira ʋaiɓate‐ɓasa; nokuti iʋo ʋaiɓata ʋakatendeka.
16Asi mari yeɀipiriso ɀemhoȿa, nemari yeɀipiriso ɀeɀiʋi, haɀina‐kuiswa mumba maJehova; yakapiwa ʋaprista.
17Ɀino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akarinza ciso cake kuenda Jerusarema.
18Asi Jehoashi mambo waJuda, wakatora ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa, ɀakaŋga ɀatsaurwa namadziɓaɓa ake, Jehoshafati, naJehorami, naAhazia, madzimambo aJuda, neɀinhu ɀake ɀose ɀakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehova neimba yamambo, akaɀituma kunaHazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusarema.
19Mamŋe maɓasa aJoashi, neɀose ɀaakaita, hazina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
20Ɀino ʋaranda ʋake ʋakasimuka, ʋakaraŋgana, ʋakaʋuraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoɓurukira Sira.
21Nokuti Jozakari mŋanakomana waShimeati, naJehozabadi mŋanakomana waShomeri, ʋaranda ʋake, ʋakamuɓaya, akafa; ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.