Mapisarema 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Wakaipa unoɀikudza pamberi paMŋari, asi Jehova ndiye murwiri.

1Munomirireiko kure, Jehova?

Munoɀiʋanzireiko paŋguʋa dzokutambudzika?

2Pakuɀikudza kwake wakaipa unotambudza murombo ɀikuru;

Ŋgaʋaɓatwe namano aʋakafuŋga.

3Nokuti wakaipa unoɀirumbidza pamsoro peɀinoɗa mŋoyo wake,

Unoruciʋa unoramba Jehova nokumuɀidza.

4Nokuɀikudza kweciso cake, wakaipa unoti: Haaŋgabvunzi.

Ndaŋgariro dzake dzose dzinoti: HakunaMŋari.

5Nzira dzake dzakasimba ŋguʋa dzose;

Ɀamunotoŋga imi ɀiri kure kumsoro, haaɀiʋoni;

Kana ʋari ʋadziʋisi ʋake ʋose, unoʋashoʋora.

6Unoti mumŋoyo make: Handiŋgazunuŋguswi;

Handiŋgaʋi panhamo kuȿikira kumarudzi aŋgu ose.

7Muromo wake uzere nokutuka nokunyeŋgera nokumanikidza;

Ɀakashata neɀakaipa ɀiri pasi porurimi rwake.

8Unogara panɀimbo dzokuʋanda dzemisha;

Pakaʋanda ndi’po paanoʋuraya usinemhoȿa;

Meso ake anoʋandira usina‐wokumuɓatsira.

9Unoʋandira pakaʋanda seshumba panɀimba yayo;

Unoʋanda kuti aɓate murombo;

Unoɓata murombo, kana acimukakatira mumumbure wake.

10Unonyaŋgira, unokotama pasi,

Ʋasinomuɓatsiri ʋanowiswa nesimba rake.

11Unoti mumŋoyo make: Mŋari wakaŋganwa;

Unoʋanza ciso cake, haaŋgatoŋgoɀiʋoni.

12Simukai Jehova; Mŋari simudzai ruʋoko rwenyu;

Regai kukaŋganwa ʋarombo.

13Wakaipa unoɀidzireiko Mŋari,

Aciti mumŋoyo wake: Haaŋgabvunzi?

14Maɀiʋona henyu; nokuti munoʋona kutambudzika nokucema, kuti muɀiɓate muruʋoko rwenyu;

Usinomuɓatsiri unoɀiisa kwamuri;

Makaʋa muɓatsiri wenherera.

15Vunai ruʋoko rwowakaipa.

Kana ari munhu wakashata, nɀerai ɀakaipa ɀake, kuȿikira musiŋgazoɀiwani.

16Jehova ndiye Mambo nokusiŋgaperi‐peri;

Ʋahedeni ʋakaparadzwa munyika yake.

17Jehova, makanzwa ɀinoɗikanwa naʋanyoro;

Mucasimbisa mŋoyo yaʋo, mucarerekera nzeʋe yenyu;

18Kuti mutoŋgere nherera nounotambudzwa,

Kuti munhu wapanyika arege kuramba acivundusa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help