Jeremia 35 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova unoraira ʋaJuda nokuti haʋana‐kuita saʋaRekabi.

1Shoko, rakaȿika kunaJeremia ricibva kunaJehova namazuʋa aJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, riciti:

2Enda kuimba yaʋaRekabi, utaure naʋo, uʋuye naʋo mumba maJehova, muneimŋe kamuri, uʋape waini ʋanwe.

3Ipapo ndakatora Jaazania mŋanakomana waJeremia, mŋanakomana waHabazinia, nehama dzake, naʋanakomana ʋake ʋose, neimba yose yaʋaRekabi,

4ndikaʋaisa mumba maJehova, mukamuri yaʋanakomana ʋaHanani mŋanakomana waIgdaria, munhu waMŋari, yaiʋa pedyo nekamuri yamacinda, yakaŋga iri pamsoro pekamuri yaMaaseia mŋanakomana waSharumi, mutariri wecikumbaridzo.

5Ndikagadza pamberi paʋanakomana ʋeimba yaʋaRekabi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwaʋari: Inwai waini.

6Asi iʋo ʋakati: Hatiŋganwi waini, nokuti Jonadabi mŋanakomana waRekabi, ɓaɓa ʋeɗu, ʋakatiraira ʋaciti: Regai kunwa waini, imi, naʋanakomana ʋenyu nokusiŋgaperi;

7ʋuye musaʋaka dzimba, kana kudɀara mbeu, kana kurima minda yemizambiriŋga, kana kuʋa naɀo; asi munofanira kugara mumatente mazuʋa enyu ose, kuti mugare mazuʋa mazhinji munyika mamunogara muri ʋatorwa.

8Ɀino takaterera inzwi raJonadabi mŋanakomana waRekabi, ɓaɓa ʋeɗu, paɀose ɀaʋakatiraira, ʋaciti tirege kunwa waini mazuʋa eɗu ose, isu, naʋakadzi ʋeɗu, naʋanakomana ʋeɗu, naʋakunda ʋeɗu;

9kana kuɀiʋakira dzimba matiŋgagara; ʋuye hatineminda yemizambiriŋga, kana mimŋe minda, kana mbeu;

10asi takagara mumatente, tikaterera, tikaita ɀose seɀatakarairwa naJonadabi ɓaɓa ʋeɗu.

11Asi Nebukadrezari mambo weBabironi wakati aciȿika munyika ino, tikati: Hendei, tiende Jerusarema nokuti tinotya hondo yaʋaKardea, ʋuye tinotya hondo yaʋaSiria; naiɀoɀo tigere Jerusarema.

12Ipapo shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, riciti:

13Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Enda undoʋudza ʋarume ʋaJuda, naʋagere Jerusarema, uti: Hamutendi kuraŋgwa, kuti muterere mashoko aŋgu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

14Mashoko aJonadabi mŋanakomana waRekabi, aakaraira ʋanakomana ʋake, kuti ʋarege kunwa waini, anotererwa; kuȿikira zuʋa ranhasi haʋanwi, nokuti ʋanoterera murairo waɓaɓa ʋaʋo. Asi ini ndakataura nemi, ndicimuka maŋgwanani ndicitaura; asi hamuna‐kunditerera.

15Ndakatuma ʋo kwamuri ʋaranda ʋaŋgu ʋose ʋaʋaprofita, ndicimuka maŋgwanani, ndiciʋatuma, ndiciti: Dzokai ɀino mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, munatse ɀamunoita, murege kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari muciʋashumira, ipapo mucagara panyika yandakakupai imi namadziɓaɓa enyu; asi hamuna‐kurerekera nzeʋe dzenyu, kana kunditerera.

16Ʋanakomana ʋaJonadabi mŋanakomana waRekabi ʋakaterera murairo waɓaɓa ʋaʋo, waakaʋaraira, asi ʋanhu aʋa haʋana‐kunditerera;

17naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri; Tarirai, ndicaʋuyisa pamsoro paJuda napamsoro paʋose ʋagere Jerusarema ɀakaipa ɀose ɀandakareʋa pamsoro paʋo; nokuti ndakataura naʋo, asi haʋana‐kunzwa, ndakaʋaɗana, asi haʋana‐kuɗaʋira.

18Ɀino Jeremia akati kuimba yaʋaRekabi: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ɀamakaterera murairo waJonadabi ɓaɓa ʋenyu, mukaceŋgeta ɀireʋo ɀaʋo ɀose, mukaita ɀose seɀamakarairwa naʋo;

19naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo, iye Mŋari waIsraeri: Jonadabi mŋanakomana waRekabi haaŋgashaiwi munhu uŋgamira pamberi paŋgu nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help