II Madzimambo 11 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ataria mai ʋaAhazia, unoɓata ʋushe bgaJuda.

1Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo.

2Asi Jehosheba mukunda wamambo Jorami, hanɀadzi yaAhazia, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, iye nomureri wake, mumba mokuʋata; ʋakamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kuʋurawa.

3Akagara naye akaʋanzwa mumba maJehova makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.

4Ɀino negore recinomŋe Jehoyada akatuma ʋanhu ʋakatora ʋakuru ʋamazana ʋaʋaKari naʋarindi ʋamambo, akaʋuya naʋo kwaari mumba maJehova, akaita suŋgano naʋo, akaʋapikisa mumba maJehova, akaʋaratidza mŋanakomana wamambo.

5Akaʋaraira, akati: Munofanira kuita kuɗai: Imi ʋanopinda nesaɓata, cetatu cenyu munofanira kuʋa ʋarindi ʋeimba yamambo;

6cimŋe cetatu cinofanira kumira pasuʋo rinonzi Suri; cimŋe cetatu ɀe ʋanofanira kumira pasuʋo riri shure kwaʋarindi ʋamambo; saiɀoɀo munofanira kurinda imba, nokuidziʋirira.

7Mapoka enyu maʋiri, imi mose munoɓuɗa nesaɓata, munofanira kurinda imba yaJehova mucikomba mambo.

8Mukombe mambo, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake; aninani unopinda pakati pemisara, unofanira kuʋurawa; mugare namambo kana aciɓuɗa ʋuye kana acipinda.

9Ʋakuru ʋamazana ʋakaita ɀose ɀaʋakarairwa nomuprista Jehoyada; mumŋe nomumŋe akatora ʋanhu ʋake, iʋo ʋaifanira kupinda nesaɓata, naiʋo ʋaifanira kuɓuɗa nesaɓata, ʋakaȿika kumuprista Jehoyada.

10Muprista akapa ʋakuru ʋamazana mapfumo nenhoʋo ɀaiʋa ɀamambo Davidi, ɀakaŋga ɀiri mumba maJehova.

11Ɀino ʋarindi ʋamambo ʋakamira mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake, kubva kurutiʋi rworudyi rweimba kuȿikira kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba, napaartari neimba, ʋakakomba mambo.

12Ipapo akaɓuɗisa mŋanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa cipupuriro, ʋakamuita mambo, ʋakamuzodza; ndokuridza nhondo, ʋaciti: Mambo ŋgaararame!

13Ɀino Ataria wakati acinzwa mhere‐mhere yaʋarindi ʋamambo naʋanhu, akapinda kuʋanhu mumba maJehova.

14Akatarira, ndokuʋona mambo amire pambiru, netsika yaʋo, naʋakuru naʋakaŋga ʋanehwamanda ʋamire kunamambo; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, ʋakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura ŋguʋo dzake, akaɗanidzira, aciti: Ndamukirwa, ndamukirwa!

15Ɀino muprista Jehoyada akaraira ʋakuru ʋamazana, ʋairaira hondo, akati kwaʋari: Muɓuɗisei pakati pemisara yaʋanhu; aninani unomuteʋera iye, munofanira kumuʋuraya nomunondo; nokuti muprista wakati: Ŋgaarege kuʋurayirwa mukati meimba yaJehova.

16Naiɀoɀo ʋakamudziʋirira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabiza nayo kumba kwamambo, ndokuʋurayirwa’po.

17Ɀino Jehoyada akaita suŋgano pakati paJehova namambo naʋanhu, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaJehova; ʋuye ʋo pakati pamambo naʋanhu.

18Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakaenda kumba kwaBaari, ʋakaiputsa; ʋakaputsanya kwaɀo artari dzake nemifananidzo yake, ʋakaʋuraya Matani muprista waBaari pamberi peartari. Muprista akagadza ʋatariri paimba yaJehova.

19Akatora ʋakuru ʋamazana, naʋaKari, naʋarindi ʋamambo, naʋanhu ʋose ʋenyika, ʋakaɓurusa mambo paimba yaJehova, ʋakaenda kumba kwamambo nenzira yesuʋo raʋarindi ʋamambo. Iye akagara pacigaro coʋushe camadzimambo.

20Naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, guta rikanyarara; ʋakaʋuraya Ataria nomunondo paimba yamambo.

21Jehoashi wakataŋga kuɓata ʋushe anamakore manomŋe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help