Mapisarema 28 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unonyeŋgetera kuti arwirwe naJehova.Pisarema raDavidi.

1Ndicaɗana kwamuri, Jehova;

Ƌombo raŋgu, regai kundinyararira;

Ɀimŋe, kana mukandinyararira,

Ndiŋgafanana naʋanoɓurukira kugomba.

2Inzwai inzwi remikumbiro yaŋgu, kana ndicicema kwamuri,

Kana ndicisimudzira maʋoko aŋgu kunɀimbo yomukati yeimba yenyu tȿene.

3Musandibvuta pamŋe cete naʋakaipa,

Naʋanoita ɀakashata;

Iʋo, ʋanotaura rugare kunaʋaʋanogara naʋo,

Asi ɀakashata ɀiri mumŋoyo maʋo.

4Muʋape ɀakaenzana neɓasa raʋo, ʋuye ɀakaenzana neɀakaipa ɀaʋakaita,

Muʋape ɀakaenzana nokuɓata kwamaʋoko aʋo;

Muʋaitire seɀakaʋafanira.

5Ɀaʋasina‐kuraŋgarira maɓasa aJehova,

Neɀaakaɓata namaʋoko ake,

Iye ucaʋaputsa, akasaʋaʋaka ɀe.

6Jehova ŋgaaʋoŋgwe,

Nokuti wakanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu.

7Jehova ndiye simba raŋgu nenhoʋo yaŋgu;

Mŋoyo waŋgu wakaʋimba naye, ndikaɓatsirwa;

Saka mŋoyo waŋgu unofara kwaɀo,

Ndicamurumbidza norwiyo rwaŋgu.

8Jehova ndiye simba raʋo,

Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.

9Ponesai ʋanhu ʋenyu, muropafadze nhaka yenyu;

Muʋafudze ʋo, muʋatakure nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help