Mapisarema 99 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova Mutȿene ŋgaarumbidzwe.

1Jehova unoɓata ʋushe; ʋanhu ŋgaʋabvunde;

Iye ugere pakati pamakerubi; nyika ŋgaizunuŋguswe.

2Jehova mukuru paZioni;

Uri kumsoro‐soro kwaʋanhu ʋose.

3Ŋgaʋarumbidze zita renyu guru rinotyisa;

Ndiye Mutȿene.

4Simba ramambo rinoɗa ʋo kururamisa;

Imi munosimbisa kururama,

Munotoŋga muciruramisa pakati paJakobo.

5Kudzai Jehova Mŋari weɗu,

Munamate pacitsiko cetsoka dzake;

Ndiye Mutȿene.

6Mosesi naAroni pakati paʋaprista ʋake,

NaSamueri pakati paʋanoɗana zita rake;

Ʋakaɗana kunaJehova, iye akaʋapindura.

7Wakataura naʋo ari mushoŋgwe yegore;

Ʋakaceŋgeta ɀipupuriro ɀake nomutemo waakaʋapa.

8Makaʋapindura, Jehova Mŋari weɗu;

Maiʋa Mŋari waiʋakaŋganwira,

Kunyaŋge makatsiʋa ɀaʋaiita.

9Kudzai Jehova Mŋari weɗu,

Namatai pagomo rake dɀene;

Nokuti Jehova Mŋari weɗu ndiye Mutȿene.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help