1Jehova unoɓata ʋushe; ʋanhu ŋgaʋabvunde;
Iye ugere pakati pamakerubi; nyika ŋgaizunuŋguswe.
2Jehova mukuru paZioni;
Uri kumsoro‐soro kwaʋanhu ʋose.
3Ŋgaʋarumbidze zita renyu guru rinotyisa;
Ndiye Mutȿene.
4Simba ramambo rinoɗa ʋo kururamisa;
Imi munosimbisa kururama,
Munotoŋga muciruramisa pakati paJakobo.
5Kudzai Jehova Mŋari weɗu,
Munamate pacitsiko cetsoka dzake;
Ndiye Mutȿene.
6Mosesi naAroni pakati paʋaprista ʋake,
NaSamueri pakati paʋanoɗana zita rake;
Ʋakaɗana kunaJehova, iye akaʋapindura.
7Wakataura naʋo ari mushoŋgwe yegore;
Ʋakaceŋgeta ɀipupuriro ɀake nomutemo waakaʋapa.
8Makaʋapindura, Jehova Mŋari weɗu;
Maiʋa Mŋari waiʋakaŋganwira,
Kunyaŋge makatsiʋa ɀaʋaiita.
9Kudzai Jehova Mŋari weɗu,
Namatai pagomo rake dɀene;
Nokuti Jehova Mŋari weɗu ndiye Mutȿene.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.