Ezekieri 28 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mariro pamsoro peTire.

1Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

2Mŋanakomana womunhu, iti kumucinda weTire: Ɀanzi naShe Jehova: Mŋoyo wako ɀawakaɀikudza, iwe ukati: Ini ndiri mŋari, ndigere pacigaro caMŋari pakati pamakuŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro, uri munhu hako, hauzi Mŋari, kunyaŋge wakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari;

3tarira, unokunda Danieri pakucenjera kwako, hakune‐cakaʋanzika causiŋgaziʋi iwe;

4wakaɀiwanira fuma noʋucenjeri bgako ʋuye nokuziʋa kwako, ukaɀiwanira ndarama nesirveri muɀiʋigiro ɀefuma yako;

5wakawedzera fuma yako noʋucenjeri bgako ʋukuru ʋuye nokushambadzira kwako, mŋoyo wako ukaɀikudza nokuɗa kwefuma yako;

6naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari,

7naiɀoɀo tarira, ndinoʋuyisa ʋatorwa pamsoro pako, iʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi ose; ʋacavomorera kunaka kwoʋucenjeri bgako minondo yaʋo, ʋacaȿiɓisa kubginya kwako.

8Ʋacakuɓurusira kugomba; ucafa norufu rwaʋanoʋurawa mumŋoyo wamakuŋgwa.

9Ko uŋgazoreʋa pamberi pounokuʋuraya, uciti: Ndiri Mŋari? Asi uri munhu, hauzi Mŋari, muruʋoko rwaiye unokukuʋadza.

10Ucafa norufu rwousina‐kudziŋgiswa namaʋoko aʋatorwa; nokuti ndini ndakataura iɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

11Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

12Mŋanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe wokuisa cisimbiso cako paciyero, uzere noʋucenjeri, wakakwana pakunaka.

13Wakaŋga uri paEdeni, mumunda waMŋari; wakaŋga wakafukidzwa namabge anokosha amarudzi ose, anoti, sardio netopasi nedaimani neberiri, neoniksi nejaspiri nesafiri nesmaragdino nekarbunkuri; ŋgoma dzako nenyere dzako dzakaŋga dzakaitwa nendarama mukati mako, ɀakagadzirwa nezuʋa rokusikwa kwako.

14Iwe wakaŋga uri kerubi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukaʋa pamsoro pegomo dɀene raMŋari; waifamba‐famba pakati pamabge omŋoto.

15Wakaŋga wakakwana panzira dzako kubva pazuʋa rokusikwa kwako, kuȿikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.

16Nokuwanda kwokushambadzira kwako ʋakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naiɀoɀo ndakakudziŋga pagomo raMŋari ndiciti uri cinhu cinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabge omŋoto.

17Mŋoyo wako wakaɀikudza nokuɗa kwokunaka kwako; wakaʋodza ʋucenjeri bgako nokuɗa kwokubginya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti ʋakuʋone.

18Nokuwanda kweɀakaipa ɀako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nɀimbo dzako tȿene; naiɀoɀo ndakaɓuɗisa mŋoto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukaʋa maɗota panyika pamberi paʋose ʋanokuʋona.

19Ʋose, ʋanokuziʋa pakati pamarudzi aʋanhu, ʋacashamiswa pamsoro pako; waʋa cinhu cinotyisa, hauŋgazoʋi cinhu nokusiŋgaperi.

Cireʋo pamsoro peSidoni.

20Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

21Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kurutiʋi rweSidoni, uprofite pamsoro paro,

22uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Sidoni; ndicakudzwa mukati mako; ʋanhu ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinoita mukati maro iɀo ɀandakatoŋga, ndiciitwa mutȿene mukati maro.

23Nokuti ndicatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; ʋakakuʋadzwa ʋacawira pasi mukati maro, kana munondo uciʋuya pamsoro paro kumatiʋi ose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

24Hapacazoʋi norukato runoɓaya imba yaIsraeri, kana munzwa unokuʋadza pakati paʋaiʋakomberedza, ʋaiʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.

25Ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandineŋge ndaʋuŋganidza imba yaIsraeri kumarudzi aʋanhu kwaʋakaŋga ʋakaparadzirwa, ndikaitwa mutȿene pakati paʋo pamberi pamarudzi, neŋguʋa iyo ʋacagara munyika yaʋo yandakapa muranda waŋgu Jakobo.

26Ʋacagara’mo ʋakaceŋgetwa; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, nokusima minda yemizambiriŋga, ʋacagara ʋakaceŋgetwa, kana ndaita ɀandakatoŋga pamsoro paʋose ʋakaʋapoteredza ʋanoʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help