1Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
2Mŋanakomana womunhu, iti kumucinda weTire: Ɀanzi naShe Jehova: Mŋoyo wako ɀawakaɀikudza, iwe ukati: Ini ndiri mŋari, ndigere pacigaro caMŋari pakati pamakuŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro, uri munhu hako, hauzi Mŋari, kunyaŋge wakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari;
3tarira, unokunda Danieri pakucenjera kwako, hakune‐cakaʋanzika causiŋgaziʋi iwe;
4wakaɀiwanira fuma noʋucenjeri bgako ʋuye nokuziʋa kwako, ukaɀiwanira ndarama nesirveri muɀiʋigiro ɀefuma yako;
5wakawedzera fuma yako noʋucenjeri bgako ʋukuru ʋuye nokushambadzira kwako, mŋoyo wako ukaɀikudza nokuɗa kwefuma yako;
6naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari,
7naiɀoɀo tarira, ndinoʋuyisa ʋatorwa pamsoro pako, iʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi ose; ʋacavomorera kunaka kwoʋucenjeri bgako minondo yaʋo, ʋacaȿiɓisa kubginya kwako.
8Ʋacakuɓurusira kugomba; ucafa norufu rwaʋanoʋurawa mumŋoyo wamakuŋgwa.
9Ko uŋgazoreʋa pamberi pounokuʋuraya, uciti: Ndiri Mŋari? Asi uri munhu, hauzi Mŋari, muruʋoko rwaiye unokukuʋadza.
10Ucafa norufu rwousina‐kudziŋgiswa namaʋoko aʋatorwa; nokuti ndini ndakataura iɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
11Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
12Mŋanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe wokuisa cisimbiso cako paciyero, uzere noʋucenjeri, wakakwana pakunaka.
13Wakaŋga uri paEdeni, mumunda waMŋari; wakaŋga wakafukidzwa namabge anokosha amarudzi ose, anoti, sardio netopasi nedaimani neberiri, neoniksi nejaspiri nesafiri nesmaragdino nekarbunkuri; ŋgoma dzako nenyere dzako dzakaŋga dzakaitwa nendarama mukati mako, ɀakagadzirwa nezuʋa rokusikwa kwako.
14Iwe wakaŋga uri kerubi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukaʋa pamsoro pegomo dɀene raMŋari; waifamba‐famba pakati pamabge omŋoto.
15Wakaŋga wakakwana panzira dzako kubva pazuʋa rokusikwa kwako, kuȿikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.
16Nokuwanda kwokushambadzira kwako ʋakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naiɀoɀo ndakakudziŋga pagomo raMŋari ndiciti uri cinhu cinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabge omŋoto.
17Mŋoyo wako wakaɀikudza nokuɗa kwokunaka kwako; wakaʋodza ʋucenjeri bgako nokuɗa kwokubginya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti ʋakuʋone.
18Nokuwanda kweɀakaipa ɀako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nɀimbo dzako tȿene; naiɀoɀo ndakaɓuɗisa mŋoto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukaʋa maɗota panyika pamberi paʋose ʋanokuʋona.
19Ʋose, ʋanokuziʋa pakati pamarudzi aʋanhu, ʋacashamiswa pamsoro pako; waʋa cinhu cinotyisa, hauŋgazoʋi cinhu nokusiŋgaperi.
Cireʋo pamsoro peSidoni.20Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
21Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kurutiʋi rweSidoni, uprofite pamsoro paro,
22uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Sidoni; ndicakudzwa mukati mako; ʋanhu ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinoita mukati maro iɀo ɀandakatoŋga, ndiciitwa mutȿene mukati maro.
23Nokuti ndicatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; ʋakakuʋadzwa ʋacawira pasi mukati maro, kana munondo uciʋuya pamsoro paro kumatiʋi ose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
24Hapacazoʋi norukato runoɓaya imba yaIsraeri, kana munzwa unokuʋadza pakati paʋaiʋakomberedza, ʋaiʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.
25Ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandineŋge ndaʋuŋganidza imba yaIsraeri kumarudzi aʋanhu kwaʋakaŋga ʋakaparadzirwa, ndikaitwa mutȿene pakati paʋo pamberi pamarudzi, neŋguʋa iyo ʋacagara munyika yaʋo yandakapa muranda waŋgu Jakobo.
26Ʋacagara’mo ʋakaceŋgetwa; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, nokusima minda yemizambiriŋga, ʋacagara ʋakaceŋgetwa, kana ndaita ɀandakatoŋga pamsoro paʋose ʋakaʋapoteredza ʋanoʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.