Mapisarema 132 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kuceŋgetwa kweimba yaDavidi naJehova.Rwiyo rworwendo.

1Jehova, raŋgarirai Davidi

Neɗambudziko rake rose;

2Namapikire ake kunaJehova,

Nokupika kunaWamasimba waJakobo, aciti:

3Ɀirokwaɀo handiŋgapindi mutente reimba yaŋgu,

Kana kukwira pamubeda wandakawadzirwa;

4Handiŋgatenderi meso aŋgu kuʋata,

Kana mafuŋgiro aŋgu kukotsira;

5Kuȿikira ndawanira Jehova nɀimbo,

Netabernakeri dzaWamasimba waJakobo.

6Tarirai, takaɀinzwa muEfrata;

Takaɀiwana pasaŋgo reJaari.

7Ticapinda mutabernakeri dzake;

Ticanamata pacitsiko cetsoka dzake.

8Simukai Jehova, mupinde pamuŋgazorora;

Imi, neareka yesimba renyu.

9Ʋaprista ʋenyu ŋgaʋafukidzwe nokururama;

Ʋuye ʋatȿene ʋenyu ŋgaʋapururudze nomufaro.

10Nokuɗa kwaDavidi muranda wenyu

Regai kuramba ciso comuzodziwa wenyu.

11Jehova wakapika kunaDavidi;

Haaŋgashanduki paɀiri, aciti:

Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako ndiɀo ɀandicaisa pacigaro cako coʋushe.

12Kana ʋana ʋako ʋaciceŋgeta suŋgano yaŋgu

Neɀipupuriro ɀaŋgu ɀandicaʋadzidzisa,

Naʋana ʋaʋo ʋo ʋacagara pacigaro cako coʋushe nokusiŋgaperi.

13Nokuti Jehova wakasanaŋgura Zioni;

Wakariɗa kuti ʋuʋe ʋugaro bgake.

14Pano ndipo pandinozorora nokusiŋgaperi;

Ndicagara pano; nokuti ndakapaɗa.

15Ndicaropafadza ɀokudya ɀaro kwaɀo;

Ndicagutisa ʋarombo ʋaro neɀokudya.

16Ʋaprista ʋaro ndicaʋafukidza ʋo noruponeso;

Ʋatȿene ʋaro ʋacapururudza nomufaro.

17Ipapo ndicameresera Davidi runyaŋga;

Ndakagadzirira muzodzwa waŋgu mŋenje.

18Ʋaʋeŋgi ʋake ndicaʋafukidza nokunyadziswa;

Asi korona yake icapenya pamsoro pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help