Mapisarema 27 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova ndiye ciedza noMuponesi.Pisarema raDavidi.

1Jehova ndiye ciedza caŋgu noMuponesi waŋgu; ndiŋgagotya aniko?

Jehova ndiye simba roʋupenyu bgaŋgu; ndiŋgagovunduswa naniko?

2Ʋaiti ʋeɀakaipa ʋakati ʋaciʋuya kwandiri kuzodya nyama yaŋgu,

Iʋo ʋadziʋisi ʋaŋgu naʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ʋakagumburwa ʋakawa.

3Kunyaŋge hondo ikandikomba,

Mŋoyo waŋgu hauŋgatyi;

Kunyaŋge ndikaʋiŋgwa nokurwa,

Neŋguʋa iyo ndicaʋimba naJehova.

4Cinhu cimŋe cete ndakakumbira kunaJehova, ndico candicatȿaka;

Kuti ndigare mumba maJehova misi yose yoʋupenyu bgaŋgu,

Kuti ndiʋone kunaka kwaJehova, nokuraŋgarira mutembere yake.

5Nokuti nomusi wenjodzi unondiʋiga muɗumba rake,

Ucandiʋanza pakaʋanda patente rake;

Ucandikwiridza paɗombo.

6Ɀino musoro waŋgu ucasimudzirwa kumsoro kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanondikomba;

Ndicamuɓayira ɀiɓayiro ɀomufaro patente rake.

Ndicaimba, ɀirokwaɀo ndicaimbira Jehova nziyo dzokumurumbidza.

7Inzwai Jehova, kana ndiciɗana nenzwi raŋgu;

Ndinzwirei tsitsi, mundipindure.

8 Paŋguʋa yamakati: Tȿakai ciso caŋgu; mŋoyo waŋgu wakati kwamuri:

Ciso cenyu, Jehova, ndicacitȿaka.

9Regai kundiʋanzira ciso cenyu;

Musadziŋga muranda wenyu pakutsamŋa kwenyu;

Makaŋga muri muɓatsiri waŋgu;

Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mŋari muponesi waŋgu.

10Nokuti ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu ʋakandirasha,

Asi Jehova ucandigamucira.

11Ndidzidzisei nzira yenyu Jehova;

Mundifambise panzira yakati cecetere,

Nokuɗa kwaʋanondiʋandira.

12Musandisundira pakuɗa kwaʋadziʋisi ʋaŋgu;

Nokuti ɀapupu ɀenhema ɀakandimukira, naʋanofemereka hasha.

13 Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu, kana ndisina‐kutenda kuti ndicaʋona kunaka kwaJehova

Panyika yaʋapenyu.

14Rindira Jehova;

Iʋa nesimba, nomŋoyo wako utsuŋge;

Ndinoti, rindira Jehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help