1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
2Mŋanakomana womunhu, muti womuzambiriŋga unopfuʋura mimŋe miti yose neiko, iro ɗaʋi romuzambiriŋga riri pakati pemiti iri kuɗondo?
3Ƌanda riŋgatorwa’po rokuita ɓasa naro here? Kana ʋanhu ʋaŋgatora’po mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?
4Tarirai, unokandirwa mumŋoto dziʋe huni; mŋoto wapedza miromo miʋiri yawo, napakati watȿa ʋo, ɀino ucaɓatsira paɓasa here?
5Tarirai, ucakanaka hauna‐kukwanira ɓasa cose; ndoɗa ɀino kana mŋoto waupedza, kana watȿa, hauŋgakwaniri ɓasa!
6Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Somuti womuzambiriŋga pakati pemiti iri kuɗondo, wandakaisa kumŋoto dziʋe huni, saiɀoɀo ndakaisa ʋagere Jerusarema pakuparadzwa.
7Ndicaʋarinzira ciso caŋgu ndiʋaitire ɀakaipa; ʋakaɓuɗa pamŋoto, asi mŋoto ucaʋapedza; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋarinzira ciso caŋgu ndiʋaitire ɀakaipa.
8Ndicaparadza nyika, nokuti ʋakandiɗarikira — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.