1Ɀino Davidi wakati agere mumba make, Davidi akati kumuprofita Natani: Tarira, ini ndigere muimba yomusidari, asi areka yesuŋgano yaJehova igere pasi pemiceka.
2Natani akati kunaDavidi: Itai henyu ɀose ɀiri mumŋoyo menyu, nokuti Mŋari unemi.
3Ɀino noʋusiku ubgo shoko raMŋari rakaȿika kunaNatani, riciti:
4Enda undoʋudza Davidi muranda waŋgu, uti: Iwe hauŋgandiʋakiri imba mandiŋgagara;
5nokuti handina‐kugara mumba kubva pazuʋa randakandotora ʋaIsraeri, kuȿikira zuʋa ranhasi; asi ndakabva patente rimŋe ndicienda kunerimŋe, napatabernakeri imŋe ndicienda kuneimŋe.
6Pose pandakafamba naʋaIsraeri ʋose, ndakatoŋgotaura here shoko rimŋe kunomumŋe waʋatoŋgi ʋaIsraeri ʋose, ʋandakaraira kufudza ʋanhu ʋaŋgu, ndiciti: Makaregereiko kundiʋakira imba yomusidari?
7Naiɀoɀo ɀino, unofanira kuti kumuranda waŋgu Davidi: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakakutora kumafuro, kwawakaŋga ucifudza makwai, kuti uʋe muɓati waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri;
8ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika.
9Ndicagadzirira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri nɀimbo, ndicaʋasima, ʋagare panɀimbo yaʋo, ʋarege kubviswa ɀe; naʋakaipa haʋaŋgaʋaparadzi ɀe sapakutaŋga,
10nokubva pazuʋa randakaraira ʋatoŋgi kuti ʋaɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ʋuye ndicakunda ʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ʋuye ndinokuʋudza kuti Jehova ucakumisira imba.
11Ɀino kana ŋguʋa yako yaȿika, yaunofanira kuenda nayo kunamadziɓaɓa ako, ndicamutsa mumŋe worudzi rwako rucakuteʋera, ucaʋa mumŋe waʋanakomana ʋako; ndicasimbisa ʋushe bgake.
12Iye ucandiʋakira imba, neni ndicasimbisa cigaro cake coʋushe nokusiŋgaperi.
13Ini ndicaʋa ɓaɓa ʋake, naiye ucaʋa mŋanakomana waŋgu; handiŋgabvisi nyasha dzaŋgu kwaari, seɀandakadzibvisa kunaiye wakakutaŋgira;
14asi ndicamugarisa mumba maŋgu nomuʋushe bgaŋgu nokusiŋgaperi; cigaro cake coʋushe cicasimbiswa nokusiŋgaperi.
15Natani akaʋudza Davidi mashoko awa ose, neɀose ɀaakaratidzwa.
16Ipapo mambo Davidi akapinda, akagara pamberi paJehova, akati: Jehova Mŋari, ndini aniko, neimba yaŋgu cinyiko, ɀamakandiȿitsa kuȿikira pano?
17Asi cinhu ici cakaŋga ciri ciɗuku pamberi penyu, Mŋari, asi makataura pamsoro peimba yomuranda wenyu kuȿikira paŋguʋa huru inozoʋuya, mukandiitira seɀinoitirwa munhu unokudzwa kwaɀo, Jehova Mŋari.
18Davidi uŋgareʋeiko ɀe kwamuri pamsoro pokukudzwa kwomuranda wenyu? Nokuti munoziʋa muranda wenyu.
19Jehova, makaita iɀi ɀikuru ɀose nokuɗa kwomuranda wenyu, ʋuye nokuɗa kwomŋoyo wenyu, kuti muziʋise ɀinhu iɀi ɀose ɀikuru.
20Jehova, hakunomumŋe wakafanana nemi, hakunomumŋe Mŋari asi imi moga, seɀatakanzwa ɀose nenzeʋe dzeɗu.
21Rumŋe rudzi ruripiko panyika rwakafanana naʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋakandodzikinurwa naMŋari, ʋaʋe ʋanhu ʋake, kuti imi mukurumbire neɀinhu ɀikuru neɀinotyisa, ɀamakadziŋga ndudzi pamberi paʋanhu ʋenyu, ʋamakadzikinura paEgipita?
22Nokuti ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri makaʋaita ʋanhu ʋenyu paruzima nokusiŋgaperi; imi Jehova mukaʋa Mŋari waʋo.
23Ɀino Jehova, shoko ramakataura pamsoro pomuranda wenyu napamsoro peimba yake ŋgarisimbiswe nokusiŋgaperi, muite seɀamakataura.
24Ʋuye zita renyu ŋgarisimbiswe nokukudzwa nokusiŋgaperi, ɀicinzi: Jehova wehondo ndiye Mŋari waIsraeri, ndiye Mŋari kunaIsraeri; imba yaDavidi muranda wenyu icamiswa pamberi penyu.
25Nokuti imi, Mŋari waŋgu, makaziʋisa muranda wenyu kuti mucamumisira imba; saka muranda wenyu wakatsuŋga kunyeŋgetera pamberi penyu.
26Ɀino Jehova, ndimi Mŋari, makapikira muranda wenyu cinhu ici;
27ɀino makafara naɀo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri’po pamberi penyu nokusiŋgaperi; nokuti imi Jehova makairopafadza, ɀino icaropafadzwa nokusiŋgaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.