Ɀireʋo 12 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Unoɗa kurairirwa, unoɗa ziʋo;

Asi unoʋeŋga kurairwa iɓenzi.

2Munhu wakanaka ucawana nyasha kunaJehova;

Asi ucapa mhoȿa munhu unamano akaipa.

3Munhu haaŋgasimbiswi neɀakaipa;

Asi mudzi wowakarurama hauŋgazunuŋguswi.

4Mukadzi unoita ɀakanaka, ikorona yomurume wake;

Asi unonyadzisa, wakaita seɀakaʋora pamafupa ake.

5Mifuŋgo yowakarurama yakarurama;

Asi mano aʋakaipa anonyeŋgedzera.

6Mashoko aʋakaipa ndookuʋandira ropa;

Asi muromo waʋakarurama ucaʋarwira.

7Ʋanhu ʋakaipa ʋanotsindikirwa, haʋaci’po;

Asi imba yaʋakarurama icaramba imire.

8Munhu ucarumbidzwa ɀakaenzana noʋucenjeri bgake;

Asi unomŋoyo wakatsauka, ucaɀidzwa.

9Munhu unoninipiswa, anomuranda hake,

Unopfuʋura unoɀikudza, asineɀokudya.

10Wakarurama unehanya noʋupenyu bgecipfuwo cake;

Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.

11Unorima munda wake, ucaʋa neɀokudya ɀizhinji;

Asi unoteʋera ɀisinamaturo, unoshaiwa njere.

12Wakaipa unopaŋga ɀaaŋgapamba kunaʋakashata;

Asi mudzi waʋakaipa unoɓereka ɀiɓereko.

13Pakuɗarika kwemiromo panomusuŋgo waʋakaipa;

Asi wakarurama ucaɓuɗa panhamo.

14Munhu ucagutiswa neɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake;

Ʋuye munhu ucadzoserwa ɀaakaita namaʋoko ake.

15Nzira yeɓenzi yakanaka pakuʋona kwake;

Asi wakacenjera unoterera kana acirairwa.

16Kutsamŋa kweɓenzi kunozikanwa pakarepo;

Asi munhu wakacenjera unoʋanza kunyadziswa kwake.

17Munhu unoreʋa ɀokwaɗi, unoparidza ɀakarurama;

Asi capupu cenhema cinoparidza kunyeŋgedzera.

18Mumŋe uri’ko unotaura nokusaraŋgarira ɀinoɓaya somunondo;

Asi rurimi rwowakacenjera runoporesa.

19Muromo weɀokwaɗi ucasimbiswa nokusiŋgaperi;

Asi rurimi runenhema runoŋgogara ciŋguʋa ciɗuku.

20Kunyeŋgedzera kuri mumŋoyo yaʋanofuŋga mano akaipa;

Asi ʋanorairira ɀorugare ʋanomufaro.

21Wakarurama haaŋgatoŋgowirwi necakaipa;

Asi ʋakaipa ʋacazadzwa neɀakashata.

22Miromo, inenhema, inonyaŋgadza Jehova;

Asi ʋanoita nokutendeka ʋanomufadza.

23Munhu wakacenjera unoʋanza ziʋo;

Asi mŋoyo yamapenzi inoparidza ʋupenzi.

24Ruʋoko rwaʋasinoʋusimbe rucaɓata ʋushe;

Asi ʋanoʋusimbe ʋacaɓatiswa cibaro.

25Kutambudzika pamŋoyo womunhu kunouremedza;

Asi shoko nyoro rinoufadza.

26Wakarurama unoperekedza wokwake ɀakanaka;

Asi nzira yowakaipa inoʋarashisa.

27Simbe haiɓati mhuka yayamutsa,

Asi kusaʋa noʋusimbe ifuma yomunhu.

28Panzira yakarurama ndi’po panoʋupenyu;

Kwainoenda hakunorufu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help