1Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaFiristia makore anamakumi manna.
2Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weZora, weimba yaDani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakaŋga asinomŋanakomana, asiŋgaɓereki.
3Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana.
4Naiɀoɀo ɀino cicenjera hako kuti urege kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka;
5nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia.
6Ɀino mukadzi akandoʋudza murume wake, akati: Munhu waMŋari wakaʋuya kwandiri, ciso cake cakaŋga cakafanana neciso comutumŋa waMŋari, caityisa kwaɀo; handina‐kumubvunza kuti unobvepi, ʋuye iye haana‐kundiʋudza zita rake;
7asi wakati kwandiri: Tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; ɀino cirega kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, usadya cinhu cisina‐kunaka, nokuti mŋana uyu ucaʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake kuȿikira pazuʋa rokufa kwake.
8Ipapo Manoa akakumbira kunaJehova, akati: Jehova, ndinokumbira kuti munhu waMŋari wamakatuma, aʋuye ɀe kwatiri, atidzidzise ɀatinofanira kuitira mŋana ucazoɀarwa.
9Jehova akanzwa inzwi raManoa; mutumŋa waMŋari akaʋuya ɀe kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakaŋga asi’ko kwaari.
10Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoʋudza murume wake, akati kwaari: Tarira, murume uya waɀiratidza ɀe kwandiri, iye wakaɗeya kuʋuya kwandiri musi uya.
11Manoa akasimuka, akateʋera mukadz, wake akaȿika kumurume, akati kwaari: Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati: Ndini.
12Manoa akati: Ɀino kana mashoko enyu aciŋge aitika, tsika dzomŋana dzinofanira kuʋa dzipi, neɓasa rake rinofanira kuʋa reiko?
13Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Mukadzi ŋgaacenjere pamsoro peɀose ɀandakamuʋudza.
14Haafaniri kudya cinhu cipi necipi cinobva pamuti womuzambiriŋga; haafaniri kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; ŋgaaceŋgete ɀose ɀandakamuraira.
15Manoa akati kumutumŋa waJehova: Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.
16Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Kunyaŋge ukandinonosa, handiŋgadyi ciŋgwa cako; kana ukaɗa kugadzira cipiriso cinopiswa, unofanira kucipa Jehova. Nokuti Manoa wakaŋga asiŋgaziʋi kuti mutumŋa waJehova.
17Manoa akati kumutumŋa waJehova: Zita renyu ndianiko? Kuti tiziʋe kukukudzai kana mashoko enyu acizoitika?
18Mutumŋa waJehova akati kwaari: Unondibvunzireiko zita raŋgu, ɀarinoshamisa?
19Ipapo Manoa akatora mbudzana pamŋe cete necipiriso ceɀokudya, akaɀiɓayira Jehova paɗombo; mutumŋa akaita cinhu cinoshamisa, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra.
20Nokuti muraɀo womŋoto wakati ucikwira kuɗeŋga ucibva paartari, mutumŋa waJehova ndokukwira mumuraɀo weartari, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra; ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo.
21Asi mutumŋa waJehova haana‐kuzoɀiratidza ɀe kunaManoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziʋa kuti mutumŋa waJehova.
22Ɀino Manoa akati kumukadzi wake: Ticafa ɀirokwaɀo, nokuti takaʋona Mŋari.
23Asi mukadzi wake wakati kwaari: Ƌai Jehova aiɗa kutiʋuraya, uŋgaɗai asina‐kugamucira cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀokudya pamaʋoko eɗu; uŋgaɗai asina‐kutiratidza ɀinhu iɀi ɀose, kana kutiʋudza mashoko akaɗai paŋguʋa ino.
24Ɀino mukadzi akapona mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samsoni; mŋana akakura, Jehova akamuropafadza.
25Mŋeya waJehova akataŋga kumumutsa paMahane‐dani, pakati peZora neEshtaori.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.