Mapisarema 118 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokuʋoŋga pamutambo.

1Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

2Israeri ɀino ŋgaʋati:

Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

3Imba yaAroni ɀino ŋgaiti:

Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

4Aʋo ʋanotya Jehova ɀino ŋgaʋati:

Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

5Ndakaɗanidzira kunaJehova pakutambudzika kwaŋgu:

Jehova akandipindura, akandiisa pakafarikana.

6Jehova uri kurutiʋi rwaŋgu; handiŋgatyi;

Munhu uŋgandiiteiko?

7Jehova uri kurutiʋi rwaŋgu pakati paʋanondiɓatsira;

Saka ndicaʋona kukundwa kwaʋanondiʋeŋga.

8Ɀiri nani kutizira kunaJehova

Pakuʋimba nomunhu.

9Ɀiri nani kutizira kunaJehova

Pakuʋimba namacinda.

10Ʋahedeni ʋose ʋakandikomba;

Ndicaʋaparadza nezita raJehova.

11Ʋakandikomba, ɀirokwaɀo, ʋakandikomba,

Ndicaʋaparadza nezita raJehova.

12Ʋakandikomba senyuci; ʋakadzimŋa somŋoto weminzwa;

Ndicaʋaparadza nezita raJehova.

13Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe;

Asi Jehova wakandiɓatsira.

14Jehova ndiye simba raŋgu norwiyo rwaŋgu;

Iye wakaʋa muponesi waŋgu.

15Inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatente aʋakarurama;

Ruʋoko rworudyi rwaJehova runokunda.

16Ruʋoko rworudyi rwaJehova rwakasimudzwa,

Ruʋoko rworudyi rwaJehova runokunda.

17Handiŋgafi, asi ndicararama,

Ndicaɗudzira maɓasa aJehova.

18Kundiraŋga Jehova wakandiraŋga;

Asi haana‐kundiisa pakufa.

19Ndizarurirei masuʋo okururama;

Ndicapinda nawo, ndiʋoŋge Jehova.

20Iri ndiro suʋo raJehova;

Ʋakarurama ʋacapinda naro.

21Ndicakuʋoŋgai, nokuti makandipindura,

Mukaʋa muponesi waŋgu.

22Ibge rakarashwa naʋaʋaki

Ndiro rakazoʋa musoro wekona.

23Ici cinhu cakabva kunaJehova;

Ɀinoshamisa kana ticiɀiʋona.

24Rino izuʋa rakaitwa naJehova;

Ŋgatifare kwaɀo tirifarire.

25 Tiponesei ɀino, Jehova — ndiɀo ɀatinonyeŋgetera;

Jehova, tipei mufarwa — ndiɀo ɀatinonyeŋgetera.

26Wakaropafadzwa iye unoʋuya nezita raJehova;

Takakuropafadzai tiri mumba maJehova.

27Jehova ndiye Mŋari, ndiye wakativenekera;

Suŋgirai ciɓayiro namaɓote ipo panyaŋga dzeartari pamene.

28Imi muri Mŋari waŋgu, ndicakuʋoŋgai;

Muri Mŋari waŋgu, ndicakukudzai.

29Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help