Numeri 17 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Tȿimbo yaAroni.

1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2Taura naʋana ʋaIsraeri, utore kwaʋari tȿimbo, imŋe paimba imŋe neimŋe yamadziɓaɓa aʋo, tȿimbo dzinegumi nembiri, pamacinda aʋo ose nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ɀino unofanira kunyora zita romumŋe nomumŋe patȿimbo yake.

3Asi zita raAroni unofanira kurinyora patȿimbo yaRevi; nokuti kunofanira kuʋa netȿimbo imŋe yomukuru mumŋe nomumŋe wedzimba dzamadziɓaɓa aʋo.

4Ɀino unofanira kudziceŋgeta mutente rokusoŋgana pamberi peareka yecipupuriro, pandinosoŋgana nemi.

5Ipapo munhu wandicatsaura, tȿimbo yake icaɓuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwaʋana ʋaIsraeri kwaʋanokunyunyutira nako.

6Ɀino Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, macinda aʋo ose akamupa tȿimbo, imŋe yomucinda mumŋe nomumŋe nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ndidzo tȿimbo gumi nembiri; netȿimbo yaAroni yakaŋga iri pakati petȿimbo dzaʋo.

7Mosesi akaceŋgeta tȿimbo idzo pamberi paJehova mutente recipupuriro.

8Fume maŋgwana Mosesi akapinda mutente recipupuriro, ʋonei tȿimbo yaAroni yeimba yaRevi yakaŋga yaɓuka, yaʋa namaɓukira, yaɓuɗisa maruʋa, yaɓereka maamanda akaŋga aibva.

9Ipapo Mosesi akaɓuɗisa tȿimbo dzose pamberi paJehova kuʋanhu ʋaIsraeri ʋose; ʋakatarira, mumŋe nomumŋe akatora tȿimbo yake.

10Jehova akati kunaMosesi: Dzosera tȿimbo yaAroni pamberi pecipupuriro, iceŋgetwe ciʋe ciratidzo caʋanhu ʋakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwaʋo, ʋarege kufa.

11Mosesi akaita saiɀoɀo; seɀaakarairwa naJehova, ndiɀo ɀaakaita.

12Ʋana ʋaIsraeri ʋakataura naMosesi, ʋakati: Tarira, tofa, topera, topera tose.

13Mumŋe nomumŋe unosweɗera, unosweɗera kutabernakeri yaJehova, unofa; ɀino ticafa tose kanhi?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help