Mapisarema 127 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kunze kwaJehova hapana‐ciŋgaitwa.Rwiyo rworwendo; rwaSoromoni.

1Kana Jehova asiŋgaʋaki imba,

Ʋaʋaki ʋayo ʋanoɓata pasina;

Kana Jehova asiŋgaceŋgeti guta,

Murindi unorindira pasina.

2Haɀinamaturo kuti mumuke maŋgwanani nokunonoka kundoʋata,

Nokudya ɀokudya ɀamakatamburira;

Nokuti unopa ʋaɗikanwa ʋake iɀoɀo ʋaʋete.

3Tarirai, ʋana inhaka inobva kunaJehova;

Ciɓereko ceciɀaro ndiwo muɓairo waanopa.

4Semiseʋe muruʋoko rwemhare,

Ndiɀo ɀakaita ʋana ʋoʋujaya.

5Unomufaro iye murume unegoɓa rizere naʋo;

Haʋaŋganyadziswi,

Kana ʋacitaurirana naʋaʋeŋgi ʋaʋo pasuʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help