Mapisarema 148 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ɀose ɀakasikwa ŋgaɀirumbidze Jehova.

1Hareruya!

Rumbidzai Jehova, imi muri kuɗeŋga;

Murumbidzei panɀimbo dzokumsoro.

2Murumbidzei imi ʋatumŋa ʋake ʋose;

Murumbidzei imi hondo dzake dzose.

3Murumbidzei imi zuʋa nomŋedzi;

Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovenekera.

4Murumbidzei imi kuɗeŋga kwokuɗeŋga‐ɗeŋga,

Newe mvura zhinji, iri kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga.

5Ŋgaɀirumbidze zita raJehova;

Nokuti iye wakaraira, ɀikasikwa.

6Wakaɀisimbisa ʋo nokusiŋgaperi‐peri;

Wakatema cireʋo cisiŋgafaniri kuɗarikwa.

7Rumbidzai Jehova imi ʋapasi,

Imi ɀikara ɀeguŋgwa, neɀiri makadzika;

8Mŋoto necimvuramabge, cando noʋutsi;

Ƌutu guru, rinoita ɀaakareʋa;

9Makomo neɀikomo ɀose;

Miti inoɓereka, nemisidari yose;

10Mhuka, neɀipfuwo ɀose;

Ɀinokambaira neshiri dzinobururuka;

11Madzimambo apasi nendudzi dzose dzaʋanhu;

Macinda naʋatoŋgi ʋose ʋapasi;

12Majaya nemhandara;

Ʋatana naʋana;

13Ŋgaʋarumbidze zita raJehova;

Nokuti zita rake roga rakakurumbira;

Ʋumambo bgake ʋuri kumsoro kwapasi nokuɗeŋga.

14Wakasimudza runyaŋga rwaʋanhu ʋake,

Kuti arumbidzwe naʋatȿene ʋake ʋose;

Naiʋo ʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋanhu ʋari pedyo naye.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help