Hosea 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Israeri ʋacatorerwa maartari aʋo namambo waʋo.

1ƲaIsraeri muzambiriŋga unotanda ɀakanaka, unoɓereka ɀiɓereko ɀawo; ɀiɓereko ɀaʋo ɀakati ɀiciwanda, ʋakawanza ʋo maartari aʋo; nyika yaʋo yakati icifara, iʋo ʋakaɀiitira ʋo shoŋgwe dzakanaka.

2Mŋoyo yaʋo inonyeŋgera, ɀino ʋacapiwa mhaka; ucaroʋa maartari aʋo, ucaparadza shoŋgwe dzaʋo.

3Ɀirokwaɀo, ɀino ʋacati: Hatinamambo, nokuti hatityi Jehova; kana ari mambo uŋgatiitireiko?

4Ʋanotaura mashoko asinamaturo, ʋanopika nhema pakuita kwaʋo suŋgano; naiɀoɀo kutoŋgwa kwaʋo kunomera somuti unoʋuraya mumihoroŋga yomunda.

5Ʋagere Samaria ʋacatya mhuru dzeBeti‐aveni; nokuti ʋanhu ʋaro ʋacaicema, naʋaprista ʋaro ʋaiifarira, nokuɗa kwokukudzwa kwayo, nokuti kwabva kwairi.

6Icaiswa ʋo Asiria, ciʋe cipo camambo Jarebi; Efraimi ʋacanyadziswa, Israeri ʋacanyadziswa namano aʋo.

7Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa secipande pamsoro pemvura.

8Nɀimbo dzakakwirira dzeAveni ʋo, iɀo ɀiʋi ɀaIsraeri, dzicaparadzwa; munzwa norukato ɀicamera pamaartari aʋo; ɀino ʋacati kumakomo: Tifukidzei, nokuɀikomo: Wirai pamsoro peɗu.

9Haiwa, Israeri, makatadza kubva pamazuʋa eGibea; ndi’po paʋakamira; ko ʋacakundwa nehondo inorwa naʋana ʋeɀakaipa paGibea here?

10Ŋguʋa yandinoɗa ndicaʋaraŋga; marudzi aʋanhu acaʋaʋuŋganira kana ʋakasuŋgirwa paɀisakarurama ɀaʋo ɀiʋiri.

11Efraimi itsiru rakapiŋgudzwa, rinofarira kupura ɀiyo; asi ini ndimene ndaȿika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutaȿi pamsoro paEfraimi; Juda ʋacarima, Jakobo ucaputsa maviŋga ake.

12Ɀidɀarirei mukururama, mugoceka ɀoruɗo; ʋundai makombo enyu, nokuti iŋguʋa yokutȿaka Jehova, kuȿikira aciʋuya acikunisirai ɀakarurama.

13Makarima ɀakashata, makaceka ɀakaipa, makadya ɀiɓereko ɀenhema, nokuti makaŋga muciʋimba nenzira yenyu, ʋuye nokuwanda kwemhare dzenyu.

14Naiɀoɀo ɓope ricamuka pakati paʋanhu ʋenyu, nhare dzenyu dzose dzicaparadzwa, Sharmani seɀaakaparadza Beti‐arberi nezuʋa rokurwa; mai ʋakaputsanyiwa pamŋe cete naʋana ʋaʋo.

15Ndiɀo ɀamucaitirwa neBeti‐eri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsraeri ucaparadzwa cose mambakwedza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help