1Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋuŋgana kunaDavidi paHebroni, ʋakati: Tarirai, isu tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
2Kare, kunyaŋge Sauro akaŋga ari mambo, ndimi maiɓuɗa nokupinda naIsraeri; Jehova Mŋari wenyu akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waIsraeri.
3Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaenda kunamambo paHebroni, Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waSamueri.
4Davidi naʋaIsraeri ʋose ʋakakwira Jerusarema (ndiro Jebusi); ɀino ʋaJebusi, ʋanhu ʋenyika iyo, ʋakaŋga ʋari’po.
5Ipapo ʋanhu ʋaigara paJebusi ʋakati kunaDavidi: Hauŋgapindi pano. Asi Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi.
6Ipapo Davidi akati: Unotaŋga kuɓaya ʋaJebusi ndiye ucaʋa mutuŋgamiriri nomukuru. Ɀino Joabi mŋanakomana waZeruya akataŋga kukwira, akaitwa mutuŋgamiriri.
7Davidi akagara panhare; naiɀoɀo ʋakaritumidza zita rinonzi guta raDavidi.
8Akaʋaka guta kumatiʋi ose, kubva paMiro kuȿikira kumatiʋi ose; Joabi akagadzira ɀimŋe ɀeguta.
9Davidi akaramba acikura, nokuti Jehova wehondo waiʋa naye.
Macinda aDavidi.10Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi, ʋaimusimbisa paʋushe bgake, pamŋe cete naʋaIsraeri ʋose, kuti ʋamugadze aʋe mambo, seɀakarebga naJehova pamsoro paIsraeri.
11Ndiko kuwanda kwaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi: Jashobeami mŋanakomana womuHakmoni, mukuru waʋanamakumi matatu; iye wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya neŋguʋa imŋe.
12Wakamuteʋera wakaŋga ari Ereazari, mŋanakomana waDodo muAhohi, mumŋe waʋarume ʋatatu ʋaiʋa nesimba.
13Iye wakaŋga anaDavidi paPasi‐damini; ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana’po kuzorwa paɓindu rakaŋga rizere nebari; ʋanhu ʋakatiza pamberi paʋaFiristia.
14Ʋakamira pakati peɓindu, ʋakarirwira, ʋakaʋuraya ʋaFiristia, Jehova akaʋarwira nokukunda kukuru.
15Ɀino ʋatatu ʋaʋakuru ʋaʋanamakumi matatu ʋakaɓurukira kuɗombo kunaDavidi kuɓako reAdurami; ɀino hondo yaʋaFiristia yakaŋga yadzika matente pamupata weRefaimi.
16Ɀino neŋguʋa iyo Davidi wakaŋga ari munhare, ʋuye ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia raiʋa paBeti‐rehemi neŋguʋa iyo.
17Davidi akapaŋga, akati: Haiwa! ɗai mumŋe acindipa mvura yetsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ndinwe!
18Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yaʋaFiristia, ʋakandoteka mvura patsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ʋakaitora, ʋakaʋuya nayo kunaDavidi; asi Davidi wakaramba kuinwa, akaiɗururira kunaJehova,
19akati: Mŋari waŋgu ŋgaandidziʋise, ndirege kuita cinhu ici! Ndiŋganwa ropa raʋarume aʋa ʋakaenda ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo here? Nokuti ʋakaʋuya nayo ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo. Naiɀoɀo akaramba kuinwa. Ndiɀo ɀakaitwa nemhare idzo nhatu.
20Abishai munuŋuna waJoabi, ndiye wakaŋga ari mukuru waʋatatu aʋo, nokuti wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya; akaʋa nomukurumbira pakati paʋatatu aʋo.
21Pakati paʋatatu ndiye wakaŋga anembiri kukunda ʋamŋe ʋaʋiri, akaʋa mukuru waʋo; asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga.
22Benaya mŋanakomana waJehoyada, mŋanakomana wemhare weKabzeeri, wakaŋga aita maɓasa makuru, iye wakaʋuraya ʋanakomana ʋaʋiri ʋaArieri waMoabi, akandoʋuraya ʋo shumba mukati mehunza paŋguʋa yecando.
23Akaʋuraya ʋo muEgipita, murume wakaŋga akakura kwaɀo wakaȿika makubiti mashanu; muEgipita uyu wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake, asi iye wakaɓurukira kwaari akaɓata tȿimbo, akabvuta pfumo muruʋoko rwomuEgipita, akamuʋuraya nepfumo rake iro.
24Ɀinhu iɀi ɀakaitwa naBenaya mŋanakomana waJehoyada, wakaŋga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
25Tarirai, iye wakaŋga anembiri kukunda ʋanamakumi matatu, asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga. Davidi akamuita mutariri waʋarindi ʋake.
26Mhare dzehondo dzaiʋa: Asaheri munuŋuna waJoabi, naErhanani mŋanakomana waDodo weBeti‐rehemi;
27naShamoti muHarori, naHerezi muPeroni;
28naIra mŋanakomana waIkeshi muTekoi, naAbiezeri muAnatoti;
29naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;
30naMaharai muNetofati, naHeredi mŋanakomana waBaana muNetofati;
31naItai mŋanakomana waRibai weGibea waʋana ʋaBenjamini, naBenaya muPiratoni;
32naHurai wehoʋa dzeGaashi, naAbieri muArbati;
33naAzmaveti muBaharumiti, naEriaba muShaarboni;
34naʋanakomana ʋaHashemi muGizoni, naJonatani mŋanakomana waShage muHarari,
35naAhiami mŋanakomana waSakari muharari, naErifari mŋanakomana waUri;
36naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;
37naHezro muKarmeri, naNaarai mŋanakomana waEzbai;
38naJoeri munuŋuna waNatani, naMibhari mŋanakomana waHagri;
39naZereki muAmoni, naNaharai muBeeroti, muɓati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabi mŋanakomana waZeruya;
40naIra muItri, naGarebi muItri;
41naUria muHiti, naZabadi mŋanakomana waArai;
42naAdina mŋanakomana waShiza muRubeni, mukuru waʋaRubeni, naʋanamakumi matatu naye;
43naHanani mŋanakomana waMaaka, naJoshafati muMitni;
44naUzia muAshterati, naShama naJeieri ʋanakomana ʋaHotami muAroeri;
45naJediaeri mŋanakomana waShimri, naJoha munuŋuna wake, muTizi;
46naErieri muMahavi, naJeribai, naJoshavia, ʋanakomana ʋaErnaami, naItma muMuabi;
47naErieri, naObedi, naJaasieri muMezoba.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.