1Ɀino Jakobo wakagara munyika yoʋutorwa bgaɓaɓa ʋake, munyika yeKanani.
2Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo.
3Ɀino Israeri wakaŋga aciɗa Josefa kupfuʋura ʋana ʋake ʋose, nokuti wakaŋga ari mŋanakomana woʋutana bgake; akamuitira ŋguʋo yakaŋga yakareɓa inamaʋoko.
4Ʋakoma ʋake ʋakaʋona kuti ɓaɓa ʋaʋo ʋanomuɗa kupfuʋura ʋakoma ʋake ʋose; ʋakamuʋeŋga, ʋakasagona kutaura naye nomufaro.
5Ɀino Josefa akarota hope, akaʋudza ʋakoma ʋake, ipapo ʋakanyanya kumuʋeŋga.
6Akati kwaʋari: Inzwai ʋo hope dzaŋgu dzandarota.
7Tarirai, takaŋga ticisuŋga ɀisote mumunda, ʋonei cisote caŋgu cikasimuka, cikaramba cimire; ndikaʋona ɀisote ɀenyu ɀicikomba caŋgu, ɀikakotama pamberi pecisote caŋgu.
8Ʋakoma ʋake ʋakati kwaari: Ko iwe ucaɓata ʋushe pamsoro peɗu kanhi — Ko iwe ucaʋa nesimba pamsoro peɗu kanhi — Ʋakanyanya kumuʋeŋga nokuɗa kwokurota kwake nokwamashoko ake.
9akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu.
10Akaʋudza ɓaɓa ʋake naʋakoma ʋake iɀoɀo; ɓaɓa ʋake ʋakamutuka, ʋakati kwaari: Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi — Ini namai ʋako naʋakoma ʋako ticaʋuya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?
11Ʋakoma ʋake ʋakamugoɗora; asi ɓaɓa ʋake ʋakaceŋgeta shoko iro.
12Ɀino ʋakoma ʋake ʋakandofudza makwai aɓaɓa ʋaʋo paShekemi.
13Israeri akati kunaJosefa: Ʋakoma ʋako haʋafudzi makwai paShekemi here — Ʋuya ndikutumire kwaʋari. Iye akati: Ndiri pano haŋgu.
14Akati kwaari: Ɀino, cienda undotarira kana ʋakoma ʋako ʋakafara, namakwai kana akafara ʋo; ugodzoka kuzondiʋudza. Naiɀoɀo wakamutuma, ari pamupata weHebroni, akandoȿika Shekemi.
15Ɀino mumŋe murume wakamuwana acidzuŋgaira musaŋgo; murume akamubvunza, akati: Unotȿakeiko?
16Iye akati: Ndinotȿaka ʋakoma ʋaŋgu; ɗondiʋudza hako kwaʋanofudza makwai.
17Murume akati: Ʋabva pano, nokuti ndakaʋanzwa ʋaciti: Ŋgatiende Dotani. Josefa akateʋera ʋakoma ʋake, akandoʋawana paDotani.
18Iʋo ʋakamuʋona aciri kure; ɀino asati aȿika kwaʋari, ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye.
19Ʋakataurirana, ʋaciti: Hoyo, muroti uya woʋuya.
20Ʋuyai ɀino timuʋuraye, timukandire munerimŋe ramakomba awa, tigoti: Wadyiwa necikara; tigoʋona kuti kurota kwake kucazoitwa seiko.
21Rubeni akaɀinzwa, akamurwira mumaʋoko aʋo, akati: Ŋgatirege kumuʋuraya.
22Rubeni akati kwaʋari: Musaɗurura ropa; mumukandirei mugomba iri riri musaŋgo, asi regai kutambanudza maʋoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaʋoko aʋo, agomudzosera kunaɓaɓa ʋake.
23Ɀino Josefa wakati aȿika kuʋakoma ʋake, ʋakabvisira Josefa ŋguʋo yake, ŋguʋo iya yakaŋga yakareɓa inamaʋoko, yaakaŋga akafuka;
24ʋakamutora, ʋakamukandira mugomba; gomba rakaŋga risinecinhu, maŋga musinemvura.
25Ʋakagara pasi, ʋakadya ɀokudya; ɀino ʋakasimudza meso aʋo, ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka raʋaIshmaeri ʋacifamba, ʋacibva Gireadi, makamera aʋo akatakura ɀinhu ɀinonhuwira, nebarsami, nemura, ʋacindoɀiisa Egipita.
26Ɀino Juda akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Tiŋgawaneiko kana tikaʋuraya munuŋuna weɗu ticiʋanza ropa rake?
27Ʋuyai timuteŋgese kuʋaIshmaeri; maʋoko eɗu arege kuʋa kwaari; nokuti munuŋuna weɗu, nyama imŋe nesu. Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakamuterera.
28Ɀino ʋateŋgesi ʋaʋaMidiani ʋakapfuʋura’po, ʋakakwidza Josefa ʋacimuɓuɗisa mugomba, ʋakateŋgesa Josefa kuʋaIshmaeri namashekeri anamakumi maʋiri; iʋo ʋakaisa Josefa Egipita.
29Ɀino Rubeni wakadzokera kugomba, akawana Josefa asisi’mo mugomba; akabvarura ŋguʋo dzake.
30Akadzokera kuʋanuŋuna ʋake, akati: Mŋana haaci’po; ini ɀino ndicaendepiko?
31Ɀino ʋakatora ŋguʋo yaJosefa, ʋakaʋuraya nhoŋgo yembudzi, ʋakanyika ŋguʋo muropa;
32ʋakatumira ŋguʋo iyo yakareɓa inamaʋoko kunaɓaɓa ʋaʋo, ʋakati: Tanoŋga cinhu ici; fananidzai ɀakanaka kana iri ŋguʋo yomŋanakomana wenyu, kana isati iri iyo.
33Iʋo ʋakafananidza, ʋakati: Iŋguʋo yomŋanakomana waŋgu; wadyiwa necikara; Josefa ɀirokwaɀo waparadzwa.
34Jakobo akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu paciʋuno cake, akacema mŋanakomana wake mazuʋa mazhinji.
35Ʋanakomana ʋake ʋose naʋakunda ʋake ʋose ʋakasimuka ʋakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, akati: Ndicaɓurukira kubgiro kumŋanakomana waŋgu, ndicicema. Ƃaɓa ʋake ʋakamuwuŋgudzira.
36Ɀino ʋaMidiani ʋakandomuteŋgesa Egipita kunaPotifari, muranda waFarao, mukuru waʋarindi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.