Genesi 37 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Josefa unoteŋgeswa naʋakoma ʋake.

1Ɀino Jakobo wakagara munyika yoʋutorwa bgaɓaɓa ʋake, munyika yeKanani.

2Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo.

3Ɀino Israeri wakaŋga aciɗa Josefa kupfuʋura ʋana ʋake ʋose, nokuti wakaŋga ari mŋanakomana woʋutana bgake; akamuitira ŋguʋo yakaŋga yakareɓa inamaʋoko.

4Ʋakoma ʋake ʋakaʋona kuti ɓaɓa ʋaʋo ʋanomuɗa kupfuʋura ʋakoma ʋake ʋose; ʋakamuʋeŋga, ʋakasagona kutaura naye nomufaro.

5Ɀino Josefa akarota hope, akaʋudza ʋakoma ʋake, ipapo ʋakanyanya kumuʋeŋga.

6Akati kwaʋari: Inzwai ʋo hope dzaŋgu dzandarota.

7Tarirai, takaŋga ticisuŋga ɀisote mumunda, ʋonei cisote caŋgu cikasimuka, cikaramba cimire; ndikaʋona ɀisote ɀenyu ɀicikomba caŋgu, ɀikakotama pamberi pecisote caŋgu.

8Ʋakoma ʋake ʋakati kwaari: Ko iwe ucaɓata ʋushe pamsoro peɗu kanhi — Ko iwe ucaʋa nesimba pamsoro peɗu kanhi — Ʋakanyanya kumuʋeŋga nokuɗa kwokurota kwake nokwamashoko ake.

9akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu.

10Akaʋudza ɓaɓa ʋake naʋakoma ʋake iɀoɀo; ɓaɓa ʋake ʋakamutuka, ʋakati kwaari: Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi — Ini namai ʋako naʋakoma ʋako ticaʋuya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?

11Ʋakoma ʋake ʋakamugoɗora; asi ɓaɓa ʋake ʋakaceŋgeta shoko iro.

12Ɀino ʋakoma ʋake ʋakandofudza makwai aɓaɓa ʋaʋo paShekemi.

13Israeri akati kunaJosefa: Ʋakoma ʋako haʋafudzi makwai paShekemi here — Ʋuya ndikutumire kwaʋari. Iye akati: Ndiri pano haŋgu.

14Akati kwaari: Ɀino, cienda undotarira kana ʋakoma ʋako ʋakafara, namakwai kana akafara ʋo; ugodzoka kuzondiʋudza. Naiɀoɀo wakamutuma, ari pamupata weHebroni, akandoȿika Shekemi.

15Ɀino mumŋe murume wakamuwana acidzuŋgaira musaŋgo; murume akamubvunza, akati: Unotȿakeiko?

16Iye akati: Ndinotȿaka ʋakoma ʋaŋgu; ɗondiʋudza hako kwaʋanofudza makwai.

17Murume akati: Ʋabva pano, nokuti ndakaʋanzwa ʋaciti: Ŋgatiende Dotani. Josefa akateʋera ʋakoma ʋake, akandoʋawana paDotani.

18Iʋo ʋakamuʋona aciri kure; ɀino asati aȿika kwaʋari, ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye.

19Ʋakataurirana, ʋaciti: Hoyo, muroti uya woʋuya.

20Ʋuyai ɀino timuʋuraye, timukandire munerimŋe ramakomba awa, tigoti: Wadyiwa necikara; tigoʋona kuti kurota kwake kucazoitwa seiko.

21Rubeni akaɀinzwa, akamurwira mumaʋoko aʋo, akati: Ŋgatirege kumuʋuraya.

22Rubeni akati kwaʋari: Musaɗurura ropa; mumukandirei mugomba iri riri musaŋgo, asi regai kutambanudza maʋoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaʋoko aʋo, agomudzosera kunaɓaɓa ʋake.

23Ɀino Josefa wakati aȿika kuʋakoma ʋake, ʋakabvisira Josefa ŋguʋo yake, ŋguʋo iya yakaŋga yakareɓa inamaʋoko, yaakaŋga akafuka;

24ʋakamutora, ʋakamukandira mugomba; gomba rakaŋga risinecinhu, maŋga musinemvura.

25Ʋakagara pasi, ʋakadya ɀokudya; ɀino ʋakasimudza meso aʋo, ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka raʋaIshmaeri ʋacifamba, ʋacibva Gireadi, makamera aʋo akatakura ɀinhu ɀinonhuwira, nebarsami, nemura, ʋacindoɀiisa Egipita.

26Ɀino Juda akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Tiŋgawaneiko kana tikaʋuraya munuŋuna weɗu ticiʋanza ropa rake?

27Ʋuyai timuteŋgese kuʋaIshmaeri; maʋoko eɗu arege kuʋa kwaari; nokuti munuŋuna weɗu, nyama imŋe nesu. Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakamuterera.

28Ɀino ʋateŋgesi ʋaʋaMidiani ʋakapfuʋura’po, ʋakakwidza Josefa ʋacimuɓuɗisa mugomba, ʋakateŋgesa Josefa kuʋaIshmaeri namashekeri anamakumi maʋiri; iʋo ʋakaisa Josefa Egipita.

29Ɀino Rubeni wakadzokera kugomba, akawana Josefa asisi’mo mugomba; akabvarura ŋguʋo dzake.

30Akadzokera kuʋanuŋuna ʋake, akati: Mŋana haaci’po; ini ɀino ndicaendepiko?

31Ɀino ʋakatora ŋguʋo yaJosefa, ʋakaʋuraya nhoŋgo yembudzi, ʋakanyika ŋguʋo muropa;

32ʋakatumira ŋguʋo iyo yakareɓa inamaʋoko kunaɓaɓa ʋaʋo, ʋakati: Tanoŋga cinhu ici; fananidzai ɀakanaka kana iri ŋguʋo yomŋanakomana wenyu, kana isati iri iyo.

33Iʋo ʋakafananidza, ʋakati: Iŋguʋo yomŋanakomana waŋgu; wadyiwa necikara; Josefa ɀirokwaɀo waparadzwa.

34Jakobo akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu paciʋuno cake, akacema mŋanakomana wake mazuʋa mazhinji.

35Ʋanakomana ʋake ʋose naʋakunda ʋake ʋose ʋakasimuka ʋakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, akati: Ndicaɓurukira kubgiro kumŋanakomana waŋgu, ndicicema. Ƃaɓa ʋake ʋakamuwuŋgudzira.

36Ɀino ʋaMidiani ʋakandomuteŋgesa Egipita kunaPotifari, muranda waFarao, mukuru waʋarindi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help