Mapisarema 16 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ruɗo rwaDavidi kunaJehova.Rwiyo Miktami rwaDavidi.

1Ndiceŋgetei, Mŋari; nokuti ndinoʋimba nemi.

2Ndakati kunaJehova: Ndimi Ishe waŋgu;

Kunze kwenyu handinecinhu cakanaka.

3Kana ʋari ʋatȿene, ʋari panyika,

Ndiʋo ʋakaiȿo‐naka ʋandinofarira ɀikuru.

4Kucema kucawanzwa kwaʋanoʋigira mumŋe mŋari ɀipo;

Ɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa ɀeropa handiŋgaɀiɗururi,

Namazita aʋo handiŋgaareʋi nemiromo yaŋgu.

5Jehova ndiye mugoʋe wenhaka yaŋgu nowomukombe waŋgu;

Munoceŋgeta mugoʋe waŋgu.

6Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nɀimbo dzakanaka;

Ɀirokwaɀo, nhaka yaŋgu yakaiȿo‐naka.

7Ndicarumbidza Jehova wakandipa mano,

Ɀirokwaɀo, itȿo dzaŋgu dzinondidzidzisa paŋguʋa dzoʋusiku.

8Ndakaisa Jehova pamberi paŋgu ŋguʋa dzose;

Ɀaari kurudyi rwaŋgu, handiŋgazunuŋguswi.

9Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unofara, kukudzwa kwaŋgu kunofarisisa;

Nyama yaŋgu ʋo icagara yakaceŋgetwa.

10Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muSheori;

Hamuŋgatenderi mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora.

11Mucandiratidza nzira yoʋupenyu;

Mufaro wakazara uri pamberi paŋgu;

Paruʋoko rwenyu rworudyi paneɀinofadza nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help