Ɀireʋo 13 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Mŋanakomana wakacenjera unoterera kuraira kwaɓaɓa ʋake;

Asi muɗaɗiri haanzwi kana acitukwa.

2Munhu ucadya ɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake;

Asi ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋanofarira kumanikidza.

3Unorindira muromo wake, unoceŋgeta ʋupenyu bgake;

Asi unoshamisa miromo yake, ucaparadzwa.

4Mŋeya wesimbe unopaŋga, asi unoshaiwa;

Asi mŋeya yaʋasinoʋusimbe icakodzwa.

5Wakarurama unoʋeŋga nhema;

Asi wakaipa, unonyaŋgadza, ucanyadziswa.

6Kururama kunoceŋgeta wakarurama pakufamba kwake;

Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

7Mumŋe uri’ko unoɀiti ndiri mufumi, kunyaŋge asinecinhu;

Mumŋe uri’ko unoɀiti ndiri murombo, asi unefuma zhinji.

8Rudzikinuro rwoʋupenyu bgomunhu ifuma yake;

Asi murombo haanzwi kutyisidzira.

9Ciedza caʋakarurama cinopenya kwaɀo;

Asi mŋenje waʋakaipa ucadzimŋa.

10Kuɀikudza kunoŋgoʋuyisa kukakaʋara;

Asi ʋucenjeri ʋuri kunaʋanotenda kurairirwa.

11Fuma, yakawanikwa nokukurumidza, icatapudzwa;

Asi unoʋuŋganidza noruʋoko, ɀicawedzerwa kwaari.

12Tariro kana icinonoka, inoʋodza mŋoyo;

Asi kana capaŋgwa coȿika, ndiwo muti woʋupenyu.

13Unoɀidza Shoko, wasuŋgwa naro;

Asi unotya murairo, ucapiwa muɓairo.

14Kudzidzisa kwowakacenjera itsime roʋupenyu;

Kuti munhu apukunyuke pamisuŋgo yorufu.

15Njere dzakanaka dzinoʋuyisa kufarirwa naʋanhu;

Asi nzira yaʋatadzi ihukutu.

16Mumŋe nomumŋe, wakaŋgwara, unoita nokuziʋa,

Asi ɓenzi rinokusha ʋupenzi bgaro.

17Nhume yakaipa inowira munjodzi;

Asi munyai unotendwa unoporesa.

18Ʋurombo nokunyadziswa ndiwo muɓairo wounoramba kurairirwa;

Asi unoterera kurairwa ucakudzwa.

19Kana ɀinoɗikanwa ɀaitwa, ɀinozipa pamŋeya;

Asi mapenzi anonyaŋgadzwa kana acisiyana neɀakashata.

20Fambidzana naʋakacenjera, ugoʋa wakacenjera ʋo;

Asi shamŋari yamapenzi inoshatiswa.

21Ɀakaipa ɀicateʋera ʋatadzi;

Asi ʋakarurama ʋacaripirwa neɀakanaka.

22Munhu, wakanaka, ucasiyira ʋana ʋaʋana ʋake nhaka;

Asi fuma yomutadzi inoceŋgeterwa wakarurama.

23Munda womurombo uneɀokudya ɀizhinji;

Asi mumŋe uri’ko unoparadzwa nokuɗa kwokusarurama.

24Unorega shamhu unoʋeŋga mŋanakomana wake;

Asi unomuɗa, unomuraŋga ɀakanaka.

25Wakarurama unodya kuȿikira agutisa mŋeya wake;

Asi ɗumbu rowakaipa ricashaiwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help