Mapisarema 93 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova ndiye Mambo mukuru.

1Jehova unoɓata ʋushe; wakafuka ʋumambo;

Jehova wakafuka simba, wakaɀisuŋga ciʋuno naro;

Nyika ʋo yakateyiwa, haiŋgazunuŋguswi.

2Cigaro cenyu coʋushe cakasimbiswa kubva kare;

Imi muri’po kubva pakusiŋgaperi.

3Jehova, nzizi dzakanzwisa,

Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo;

Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.

4 Jehova unokunda manzwi emvura zhinji,

Namafuŋgu anesimba eguŋgwa,

Jehova, uri kumsoro, ndiye unesimba.

5Ɀipupuriro ɀenyu ndeɀamaɀokwaɗi kwaɀo;

Ʋutȿene ʋunofanira imba yenyu,

Jehova, nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help