Mapisarema 76 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kumutuŋgamiriri wokuimba; nemiteŋgeranwa. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1Mŋari unozikanwa pakati paJuda;

Zita rake iguru pakati paIsraeri.

2PaSaremi ʋo ndipo panetabernakeri yake,

NapaZioni ʋugaro bgake.

3Ndipo paakavuna miseʋe yoʋuta;

Nenhoʋo, nomunondo, nokurwa.

4Imi munokubginya, makanaka kwaɀo,

Kupfuʋura makomo eɀakapambga.

5Ʋakatsuŋga pamŋoyo, ʋakapambga, ʋakaʋata hope dzaʋo;

Pakati paʋarume ʋanesimba hakuna‐wakawana maʋoko ake.

6Pakutuka kwenyu, Mŋari waJakobo,

Ŋgoro nebiza ɀose ɀinoɓatwa nehope dzorufu.

7Imi, iyemi, munofanira kutyiwa;

Ndianiko uŋgamira pamberi penyu kana matsamŋa?

8Makanzwisa ʋanhu kutoŋga kwenyu kucibva kuɗeŋga;

Pasi pakatya, pakanyarara,

9Paŋguʋa yokumuka kwaMŋari kuzotoŋga,

Kuti aponese ʋanyoro ʋose ʋapasi.

10Ɀirokwaɀo, kutsamŋa kwaʋanhu kucakurumbidzai;

Munoɀisuŋga ciʋuno nokutsamŋa kwakasara.

11Pikai, muripire Jehova Mŋari wenyu;

Ʋose ʋakamupoteredza ŋgaʋaʋuye neɀipo kunaiye unofanira kutyiwa;

12Iye ucagura mŋeya yamacinda;

Unotyisa kwaɀo madzimambo apasi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help