1Ɀino gore rakati rapera, paŋguʋa yokurwa kwamadzimambo, Joabi akaenda nehondo inesimba, akaparadza nyika yaʋana ʋaAmoni, akandokomba Raba. Asi Davidi wakasara Jerusarema. Joabi akakunda Raba, akariputsa.
2Davidi akabvisa korona yamambo waʋo pamusoro wake, akawana kuti inoȿika tarenta rimŋe rendarama pakurema kwayo, ʋuye yakaŋga inamabge anokosha; ikaiswa pamusoro waDavidi; akapamba ɀizhinji kwaɀo paguta iro.
3Akaɓuɗisa ʋo ʋanhu ʋakaŋga ʋarimo, akaʋaceka namajeko, nembambo dzamatare, ʋuye namasanhu. Davidi akaita saiɀoɀo namaguta ose aʋana ʋaAmoni. Davidi naʋanhu ʋose ʋakadzokera Jerusarema.
Davidi unokunda ʋaFiristia.4Ɀino shure kwaiɀoɀo kurwa kukazomuka paGezeri naʋaFiristia; Sibekai muHushati, akaʋuraya Sipai, mumŋe waʋanakomana ʋaRafa.
5Ʋakarwa ɀe naʋaFiristia; Erhanani mŋanakomana waJairi akaʋuraya Rami munuŋuna waGoriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaŋga rwakafanana neɗanda romuruki.
6Ʋakarwa ɀe paGati, pakaŋga panomunhu murefu kwaɀo, wakaŋga aneminwe neɀigunwe ɀose ɀinamakumi maʋiri neɀinna, mitanhatu paruʋoko rumŋe norumŋe, neɀitanhatu parutsoka rumŋe norumŋe; naiye ʋo wakaŋga akaɓerekerwa Rafa.
7Ɀino wakati acishoʋora ʋaIsraeri, Jonatani mŋanakomana waShimea, munuŋuna waDavidi akamuʋuraya.
8Ndiʋo ʋakaɓerekerwa Rafa paGati; ʋakaʋurawa naDavidi, ʋuye naʋaranda ʋake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.