1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona ŋgoro inna dziciɓuɗa pakati pamakomo maʋiri; makomo iwayo akaŋga ari makomo endarira.
2Ŋgoro yokutaŋga yakaŋga inamabiza matȿuku; ŋgoro yecipiri mabiza matema;
3ŋgoro yecitatu mabiza macena, ŋgoro yecinna mabiza mapfumbu anesimba.
4Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi, ishe waŋgu?
5Mutumŋa akapindura, akati kwandiri: Iɀeɀi ndidzo mhepo inna dzokuɗeŋga, dzinoɓuɗa padzakaŋga dzimire pamberi paShe wenyika yose.
6Ŋgoro inamabiza matema inoɓuɗira kunyika yokumsoro; macena akaateʋera; namapfumbu akaɓuɗira kunyika yezasi.
7Anesimba akaɓuɗa ʋo, akatȿaka kuenda kuti apote‐pote nenyika yose; akati: Ibvai pano, mupote‐pote nenyika yose. Ipapo akapota‐pota nenyika yose.
8Ipapo akaɗanidzira kwandiri, akataura neni, aciti: Tarirai, ʋanoenda kunyika yokumsoro, ʋakanyaradza mŋeya waŋgu kunyika yokumsoro.
Korona pamusoro waJoshua.9Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:
10Tora ʋamŋe kunaʋakatapxa, ʋanoti Herdai, naTobija, naJedaia; uʋuye nezuʋa irero upinde mumba maJosia mŋanakomana waZefania, kwaʋakaȿika ʋacibva Babironi;
11utore kwaʋari sirveri nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru;
12utaure naye, uciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Tarira, murume unezita rinonzi Ƌaʋi; iye ucakura panɀimbo yake, iye ucaʋaka tembere yaJehova;
13ndiye ucaʋaka tembere yaJehova; iye ucaʋa noʋumambo, ʋuye ucagara pacigaro cake aciɓata ʋushe; ucaʋa muprista pacigaro cake coʋushe; raŋgano yorugare icaʋa pakati paʋo iʋo ʋaʋiri.
14Korona dzicaʋa dzaHeremi, naTobija, naJedaia, naHeni mŋanakomana waZefania, ciʋe ciyeʋudzo mutembere yaJehova.
15Ʋari kure ʋacaʋuya ʋaciʋaka mutembere yaJehova; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakanditumira kwamuri. Iɀeɀi ɀicaitika kana muciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.