Zekaria 6 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ciratidzo corusere, ceŋgoro namabiza.

1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona ŋgoro inna dziciɓuɗa pakati pamakomo maʋiri; makomo iwayo akaŋga ari makomo endarira.

2Ŋgoro yokutaŋga yakaŋga inamabiza matȿuku; ŋgoro yecipiri mabiza matema;

3ŋgoro yecitatu mabiza macena, ŋgoro yecinna mabiza mapfumbu anesimba.

4Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi, ishe waŋgu?

5Mutumŋa akapindura, akati kwandiri: Iɀeɀi ndidzo mhepo inna dzokuɗeŋga, dzinoɓuɗa padzakaŋga dzimire pamberi paShe wenyika yose.

6Ŋgoro inamabiza matema inoɓuɗira kunyika yokumsoro; macena akaateʋera; namapfumbu akaɓuɗira kunyika yezasi.

7Anesimba akaɓuɗa ʋo, akatȿaka kuenda kuti apote‐pote nenyika yose; akati: Ibvai pano, mupote‐pote nenyika yose. Ipapo akapota‐pota nenyika yose.

8Ipapo akaɗanidzira kwandiri, akataura neni, aciti: Tarirai, ʋanoenda kunyika yokumsoro, ʋakanyaradza mŋeya waŋgu kunyika yokumsoro.

Korona pamusoro waJoshua.

9Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:

10Tora ʋamŋe kunaʋakatapxa, ʋanoti Herdai, naTobija, naJedaia; uʋuye nezuʋa irero upinde mumba maJosia mŋanakomana waZefania, kwaʋakaȿika ʋacibva Babironi;

11utore kwaʋari sirveri nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru;

12utaure naye, uciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Tarira, murume unezita rinonzi Ƌaʋi; iye ucakura panɀimbo yake, iye ucaʋaka tembere yaJehova;

13ndiye ucaʋaka tembere yaJehova; iye ucaʋa noʋumambo, ʋuye ucagara pacigaro cake aciɓata ʋushe; ucaʋa muprista pacigaro cake coʋushe; raŋgano yorugare icaʋa pakati paʋo iʋo ʋaʋiri.

14Korona dzicaʋa dzaHeremi, naTobija, naJedaia, naHeni mŋanakomana waZefania, ciʋe ciyeʋudzo mutembere yaJehova.

15Ʋari kure ʋacaʋuya ʋaciʋaka mutembere yaJehova; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakanditumira kwamuri. Iɀeɀi ɀicaitika kana muciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help