1Ndinoɗanidzira nenzwi raŋgu kunaJehova;
Nenzwi raŋgu ndinonyeŋgetera kunaJehova.
2Ndinoɗurura kucema kwaŋgu pamberi pake;
Ndinomuziʋisa kutambudzika kwaŋgu.
3Paŋguʋa yokumanikidzwa kwomŋeya waŋgu mukati maŋgu, makaziʋa nzira yaŋgu.
Panzira yandinofamba nayo ʋakandiʋanzira musuŋgo.
4Tarirai kurudyi rwaŋgu, muʋone; nokuti hakunomunhu unondiziʋa;
Ndashaiwa ʋutiziro; hakunomunhu unehanya nomŋeya waŋgu.
5Ndakaɗanidzira kwamuri, Jehova;
Ndakati: Ndimi ʋutiziro bgaŋgu,
Nomugoʋe waŋgu panyika yaʋapenyu.
6Tererai kuɗanidzira kwaŋgu; nokuti ndinoshaiwa simba kwaɀo;
Ndirwirei panaʋanonditambudza; nokuti ʋanondikurira nesimba.
7Ƃuɗisai mŋeya waŋgu patoroŋgo, kuti ndiʋoŋge zita renyu;
Ʋakarurama ʋacandipoteredza;
Nokuti mucandiitira ɀakanaka kwaɀo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.