Mapisarema 142 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munyeŋgetero womunhu unotambudzwa naʋaʋeŋgi ʋake.Rwiyo rweMashiri rwaDavidi, paŋguʋa yaakaŋga ari muɓako; munyeŋgetetero.

1Ndinoɗanidzira nenzwi raŋgu kunaJehova;

Nenzwi raŋgu ndinonyeŋgetera kunaJehova.

2Ndinoɗurura kucema kwaŋgu pamberi pake;

Ndinomuziʋisa kutambudzika kwaŋgu.

3Paŋguʋa yokumanikidzwa kwomŋeya waŋgu mukati maŋgu, makaziʋa nzira yaŋgu.

Panzira yandinofamba nayo ʋakandiʋanzira musuŋgo.

4Tarirai kurudyi rwaŋgu, muʋone; nokuti hakunomunhu unondiziʋa;

Ndashaiwa ʋutiziro; hakunomunhu unehanya nomŋeya waŋgu.

5Ndakaɗanidzira kwamuri, Jehova;

Ndakati: Ndimi ʋutiziro bgaŋgu,

Nomugoʋe waŋgu panyika yaʋapenyu.

6Tererai kuɗanidzira kwaŋgu; nokuti ndinoshaiwa simba kwaɀo;

Ndirwirei panaʋanonditambudza; nokuti ʋanondikurira nesimba.

7Ƃuɗisai mŋeya waŋgu patoroŋgo, kuti ndiʋoŋge zita renyu;

Ʋakarurama ʋacandipoteredza;

Nokuti mucandiitira ɀakanaka kwaɀo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help