Rwiyo Rukuru 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mŋeŋga unotȿaka cikomba cake.

1Ʋusiku, ndiri panhoʋo dzaŋgu,

Ndakamutȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu;

Ndakamutȿaka, asi handina‐kumuwana.

2 Ndikati: Ndicasimuka ɀino, ndifambe‐fambe neguta;

Panzira dzomumusha, napamaɗare

Ndi’po pandicatȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu;

Ndikamutȿaka, asi handina‐kumuwana.

3Ʋarindi, ʋanofamba‐famba neguta,

ʋakandiwana;

Ndikati kwaʋari: Matoŋgoʋona unoɗikanwa nomŋeya waŋgu here?

4Ndakati ndaŋgobva kwaʋari, ndapfuʋura ɀishoma,

Ndikamuwana iye unoɗikanwa nomŋeya waŋgu;

Ndikamuɓata, ndikaramba kumuregedza,

Kuȿikira ndamuisa mumba mamai ʋaŋgu,

Muimba yomukati yaiye wakandiɓereka.

5Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema,

Nemharapara nenondo dzokuɓundo,

Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo,

Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.

Kuʋuya kwecikomba.

6Ndianiko uyo unokwira acibva kurenje

Seshoŋgwe dzoʋutsi,

Unonhuwira nemura neɀinonhuwira,

Neɀakakuyiwa ɀose ɀomuteŋgesi?

7Tarirai, ndico cigaro caSoromoni cinotakurwa;

Mhare dzinamakumi matanhatu dzakacikomberedza,

Ʋanobva pamhare dzaʋaIsraeri.

8Ʋose ʋanoziʋa kuɓata munondo,

ʋakadzidza kurwa;

Murume mumŋe nomumŋe unomunondo wake pahudyu yake,

Nokuɗa kweɀinotyisa ʋusiku.

9Mambo Soromoni wakaɀiitira cigaro cinotakurwa

Camatanda eRebanoni.

10Wakaita mbiru dzaco nesirveri,

Musana waco nendarama, pokugara kwaco nomuceka mutȿuku,

Mukati maco makaroŋgwa noruɗo

Rwaʋakunda ʋeJerusarema.

11Ƃuɗai, imi ʋakunda ʋeZioni, muʋone mambo Soromoni,

Anekorona yaakadzikwa namai ʋake

Pazuʋa rokuwana kwake,

Napazuʋa romufaro womŋoyo wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help