Mapisarema 55 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unocema pakutambudzika kwake kukuru, asi unoʋimba naJehova.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nemiteŋgeranwa. Rwiyo rweMashiri rwaDavidi.

1Rerekerai nzeʋe yenyu kumunyeŋgetero wangu, Mŋari;

Regai kuɀiʋanza pakukumbira kwaŋgu.

2Nditererei, mundipindure;

Ndinoshaiwa zororo mukucema kwaŋgu, ndiciʋuʋura;

3Nokuɗa kwenzwi romuʋeŋgi,

Nokuɗa kwokumanikidza kwowakaipa;

Nokuti ʋanondipomera ɀakaipa,

Ʋanonditambudza nokutsamŋa kwaʋo.

4Mŋoyo waŋgu unorwadziwa kwaɀo mukati maŋgu;

Garudzo rorufu rakandiwira,

5Kutya nokubvunda ɀakandiwira.

Kutya kukuru kwakandifukidza.

6Ini ndikati: Haiwa, ɗayi ndaiʋa namapapiro senjiʋa!

Ndaibururuka, ndikandozorora.

7Tarirai, ndiŋgaɗayi ndaitizira kure,

Ndaindogara kurenje.

8Ndaikurumidza kundoʋanda,

Nditize mhepo inovuvuta neɗutu guru.

9Paradzai, Ishe, mukaŋganise marimi aʋo;

Nokuti ndakaʋona kumanikidza nokurwa muguta.

10Masikati noʋusiku ʋanoripoteredza pamaȿiŋgo aro;

Ɀakaipa ʋo neɀakashata ɀiri mukati maro.

11Kushata kuri pakati paro;

Kumanikidza nokunyeŋgera haɀibvi panzira dzaro.

12Nokuti wakaŋga asi muʋeŋgi wakandishoʋora;

Ipapo ndaigona kutsuŋga;

Wakaŋga asi iye waindiʋeŋga wakaɀikudza kwandiri;

Ipapo ndaimuʋanda.

13Asi wakaŋga uri’we, munhu wakaenzana neni,

Shamŋari yaŋgu, nomuzikani waŋgu.

14Taisiraŋgana ɀakanaka,

Taifamba mumba maMŋari pamŋe cete naʋanhu ʋazhinji.

15Rufu ŋgaruʋawire kamŋe‐kamŋe,

Ŋgaʋaɓurukire kuSheori ʋari ʋapenyu;

Nokuti kushata kuri paʋugaro bgaʋo, imo mukati maʋo.

16Kana ndiri’ni, ndicaɗana kunaMŋari;

Jehova ucandiponesa.

17Maɗekwana namaŋgwanani namasikati ndicacema ndiciʋuʋura;

Iye ucanzwa inzwi raŋgu.

18Wakadzikinura mŋeya waŋgu norugare, kukasaʋa nomumŋe wakasweɗera kwandiri;

Nokuti ʋakaŋga ʋacirwa neni, ʋaiʋa ʋazhinji.

19Mŋari ucanzwa, ucaʋapindura,

Iye uri’po kare nakare,

Nokuti haʋashanduki,

Haʋatyi Mŋari.

20Wakatambanudzira maʋoko ake kunaʋaiʋa norugare naye;

Wakashoʋora suŋgano yake.

21Mashoko omuromo wake akatedza samafuta,

Asi kurwa kwakaŋga kuri pamŋoyo pake;

Mashoko ake akaŋga ari manyoro kupfuʋura mafuta,

Kunyaŋge ɀakaɗaro yaiʋa minondo yakavomorwa.

22Kandira mutoro wako pamsoro paJehova, iye ucakusimbisa;

Haaŋgatoŋgotenderi wakarurama kuti azunuŋguswe.

23Asi imi Mŋari mucaʋaɓurusira kugomba rokuparadzwa;

Ʋanhu ʋanokarira ropa naʋanonyeŋgera haʋaŋgapedzi hafu yamazuʋa aʋo;

Asi ini ndicaʋimba nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help