Mapisarema 77 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ku simbiswa kunobva pakuraŋgarira maɓasa akare aMŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomutoʋo waJedutuni. Pisarema raAsafi.

1Ndicaɗana kunaMŋari nenzwi raŋgu;

Kunaiye Mŋari nenzwi raŋgu, ucarerekera nzeʋe yake kwandiri.

2Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndakatȿaka Ishe;

Ruʋoko rwaŋgu rwakaŋga rwakatambanudzwa ʋusiku, ndisiŋgaregi;

Mŋeya waŋgu wakaramba kunyaradzwa.

3Ndinoraŋgarira Mŋari, ndokushaiwa mufaro;

Ndinofuŋgisisa, mŋeya waŋgu ndokuziya.

4Hamutenderi meso aŋgu kutsinzina;

Ndinotambudzika, handigoni kutaura.

5Ndakaraŋgarira mazuʋa ekare,

Makore eŋguʋa dzakare‐kare.

6Ndinoɀiyeʋudzira kuimba kwaŋgu pakati poʋusiku;

Ndinotaurirana nomŋoyo waŋgu;

Mŋeya waŋgu wakanɀera kwaɀo.

7Ko Ishe uŋgarasha nokusiŋgaperi?

Haacazonzwiri ŋgoni here?

8Ko tsitsi dzake dzaenda cose nokusiŋgaperi?

Cipikirwa cake cakakona nokusiŋgaperi here?

9Ko Mŋari wakaŋganwa kuʋa nenyasha?

Wapfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamŋa kwake here?

10Ipapo ndakati: Ndibgo ʋutera bgaŋgu:

Asi ndicaraŋgarira makore oruʋoko rworudyi rwoWokumsoro‐soro.

11Ndicareʋa ɀakaitwa naJehova;

Nokuti ndicaraŋgarira ɀishamiso ɀenyu ɀakare.

12Ndicafuŋgisisa ʋo ɓasa renyu rose,

Nokuraŋgarira ɀamakaita.

13Nzira yenyu, Mŋari, iri panɀimbo tȿene;

Ndianiko mŋari mukuru, wakafanana naiye Mŋari?

14Ndimi Mŋari unoita ɀishamiso;

Makaratidza simba renyu pakati paʋanhu.

15Makadzikinura ʋanhu ʋenyu noruʋoko rwenyu,

Iʋo ʋanakomana ʋaJakobo naJosefa.

16Mvura zhinji yakakuʋonai, Mŋari;

Mvura zhinji yakakuʋonai, ikatya;

Pakadzika pakabvunda.

17Makore akaɗurura mvura;

Ƌeŋga rose rakaɓuɗisa inzwi;

Miseʋe yenyu yakafamba‐famba kwose.

18Inzwi rokutinhira kwenyu rakaŋga riri mucampupuri;

Mheni dzakavenekera nyika;

Pasi pakabvunda nokuzunuŋguka.

19Kufamba kwenyu kwakaŋga kuri muguŋgwa,

Nenzira dzenyu mumvura zhinji‐zhinji,

Makwara enyu akaŋga asiŋgazikanwi.

20Makafambisa ʋanhu ʋenyu seɓoka ramakwai,

Noruʋoko rwaMosesi norwaAroni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help