I Makoronike 18 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokunda ʋaFiristia nedzimŋe ndudzi.

1Ɀino shure kwaiɀoɀo Davidi akarwa naʋaFiristia akaʋakunda; akatorera ʋaFiristia Gati nemisha yaro.

2Akakunda Moabi ʋo, ʋaMoabi ʋakaitwa ʋaranda ʋaDavidi, ʋakamuʋigira ɀipo.

3Davidi akakunda ʋo Hadarezeri mambo weZoba, kuȿikira paHamati, pakuenda kwake kundosimbisa ʋumambo bgake parwizi Yufratesi.

4Davidi akamutorera ŋgoro dzinecuru cimŋe naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinomŋe, naʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri; Davidi akagura marunda amakumbo amabiza ose aikweʋa ŋgoro, asi wakaceŋgetera ŋgoro dzinezana mamŋe awo.

5Ɀino ʋaSiria ʋeDamasko ʋakati ʋaciʋuya kuzoɓatsira Hadarezeri mambo weZoba, Davidi akaʋuraya ʋaSiria ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri.

6Davidi akaisa mapoka aʋarwi muSiria paDamasko; ʋaSiria ʋakaʋa ʋaranda ʋaDavidi ʋakamuʋigira ɀipo. Jehova akakundisa Davidi pose paakaenda.

7Davidi akatora nhoʋo dzendarama dzakaŋga dzakashoŋgwa naʋaranda ʋaHadarezeri, akadziisa Jerusarema.

8NapaTibhati napaKuni, maguta aHadarezeri, Davidi wakatora ndarira zhinji kwaɀo, Soromoni yaakazoita nayo dziʋa rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira.

9Ɀino Tou mambo weHamati wakati acinzwa kuti Davidi wakaparadza hondo yose yaHadarezeri mambo weZoba,

10akatuma Hadorami mŋanakomana wake kunamambo Davidi, kundomukwazisa, nokumukorokotedza pamsoro pokurwa kwake naHadarezeri nokumukunda; nokuti Hadarezeri wairwa naTou; wakaŋga anemidziyo yamarudzi ose, yendarama, neyesirveri, nendarira.

11Neyiyi ʋo mambo Davidi akaitsaurira Jehova, pamŋe cete nesirveri nendarama yaakaŋga atora kundudzi dzose; kunaʋaEdomi, naʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋaFiristia, naʋaAmareki.

12Ʋuye Abishai mŋanakomana waZeruya, wakaʋuraya ʋaEdomi paMupata woMunyu ʋaiʋa ʋaneɀuru ɀinegumi neɀisere.

13Akaisa mapoka aʋarwi paEdomi; ʋaEdomi ʋose ʋakaʋa ʋaranda ʋaDavidi. Jehova akakundisa Davidi pose paakaenda.

14Davidi akaɓata ʋaIsraeri ʋose; akatoŋgera ʋanhu ʋake ʋose akaʋaitira ɀakarurama.

15Joabi mŋanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mŋanakomana waAhirudi waiʋa sahwira,

16Zadoki mŋanakomana waAhitubi, naAhimereki mŋanakomana waAbiyatari, ʋaiʋa ʋaprista, naShavsha waiʋa munyori;

17ʋuye Benaya mŋanakomana waJehoyada ndiye wairaira ʋaKereti naʋaPereti; ʋuye ʋanakomana ʋaDavidi ʋaiʋa ʋakuru kuteʋera mambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help