Ezra 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋakadzi ʋatorwa ʋanodziŋgwa.

1Ɀino Ezra wakati acinyeŋgetera, aciɀireʋurura, acicema nokuɀiwisira pasi pamberi peimba yaMŋari, ʋuŋgano huru‐huru yaʋarume naʋakadzi naʋana ʋaʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kwaari; nokuti ʋanhu ʋakacema ɀikuru kwaɀo.

2Ipapo Shekania mŋanakomana waJehieri, mumŋe waʋanakomana ʋaErami, akapindura, akati kunaEzra: Takatadzira Mŋari weɗu ɀatakawana ʋakadzi ʋatorwa ʋendudzi dzenyika iyi; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋaIsraeri ʋacinetariro pamsoro pecinhu ici.

3Naiɀoɀo ɀino ŋgatiite suŋgano naMŋari weɗu, tibvise ʋakadzi aʋa ʋose, naʋana ʋakaɓerekwa naʋo, seɀatakarairwa naShe, ʋuye naʋanobvundiswa nomurairo waMŋari weɗu; ŋgaɀiitwe seɀinoreʋa murairo.

4Simukai, nokuti ndimi muneɓasa iri, isu tinemi; tsuŋgai mŋoyo, muɀiite.

5Ipapo Ezra akasimuka, akapikisa ʋakuru ʋaʋaprista, naʋaRevi, naʋaIsraeri ʋose, kuti ʋacaita neshoko iri. Iʋo ʋakapika.

6Ipapo Ezra akasimuka, akabva pamberi peimba yaMŋari, akapinda mukamuri yaJohanani mŋanakomana waEriashibi; akagara’po, akasadya ɀokudya, kana kunwa mvura; nokuti wakaŋga acicema pamsoro pokuɗarika kwaʋatapxa.

7Ʋakaparidza shoko kuʋatapxa ʋose pose‐pose paJuda napaJerusarema, kuti ʋaʋuŋgane paJerusarema;

8ʋuye kuti aninani usina‐kuʋuya mazuʋa matatu agere kupera, seɀakaŋga ɀarairwa namacinda naʋakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mŋari, naiye amene aɓuɗiswe paʋuŋgano yaʋatapxa.

9Ipapo ʋarume ʋose ʋaJuda naBenjamini ʋakaʋuŋgana paJerusarema mazuʋa matatu agere kupera; wakaŋga uri mŋedzi wepfumbamŋe, nezuʋa ramakumi maʋiri romŋedzi; ʋanhu ʋose ʋakagara paɗare pamberi peimba yaMŋari, ʋacibvunda pamsoro peshoko iro napamsoro pemvura zhinji yainaya.

10Ipapo muprista Ezra akasimuka, akati kwaʋari: Imi makaɗarika, mukawana ʋakadzi ʋatorwa, mukanyanyisa mhoȿa yaIsraeri.

11Naiɀoɀo ɀino ciɀireʋururai pamberi paJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu, mumufadze; muɀiraʋure kuʋanhu ʋenyika ino, naʋakadzi ʋatorwa.

12Ipapo ʋuŋgano yose yakapindura, ikati nenzwi guru: Seɀamataura pamsoro peɗu, ndiɀo ɀatinofanira kuita.

13Asi ʋanhu ʋazhinji, ʋuye iŋguʋa yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; ɓasa iri harizi rezuʋa rimŋe, kana mazuʋa maʋiri, nokuti takaɗarika kwaɀo pacinhu ici.

14Ɀino macinda eɗu ŋgaagadzwe paʋuŋgano yose, kuti ʋose ʋakawana ʋakadzi ʋatorwa pamaguta eɗu, ʋaʋuye paŋguʋa dzakatarwa ʋanaʋakuru ʋeguta rimŋe nerimŋe, naʋatoŋgi ʋaro, kuȿikira kutsamŋa kukuru kwaMŋari weɗu kwabviswa kwatiri, kuȿikira mhaka iyi yapera.

15Asi Jonatani mŋanakomana waAsaheri, naJazeya mŋanakomana waTikva, iʋo ʋoga ʋakaramba cinhu ici; Meshurami nomuRevi Shabetai ʋakasimbisa.

16Ʋatapxa ʋakaita saiɀoɀo. Ezra muprista, naʋamŋe ʋaʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakatsaurwa nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, naʋose ʋaʋo namazita aʋo; ʋakaʋuŋgana nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wegumi kunɀera cinhu ico.

17Ʋakapedza naʋarume ʋose ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋatorwa nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga.

18Napakati paʋanakomana ʋaʋaprista ʋakawana ʋamŋe ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋatorwa: Pakati paʋanakomana ʋaJeshua ʋaiti mŋanakomana waJozadaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribi, naGedaria.

19Ʋakapika noruʋoko rwaʋo, kuti ʋacarega ʋakadzi ʋaʋo; ʋuye, ɀaʋakaŋga ʋanemhoȿa, ʋakaɓayira gondobge ramakwai pamsoro pemhoȿa yaʋo.

20Pakati paʋanakomana ʋaImeri; Hanani naZebadia.

21Pakati paʋanakomana ʋaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUzia.

22Pakati paʋanakomana ʋaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshmaeri, naNetaneri, naJozabadi, naErasa.

23Pakati paʋaRevi: Jozabadi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJuda, naEriezeri.

24Pakati paʋaimbi: Eriashibi; napakati paʋarindi ʋemikoʋa: Sharumi, naTeremi, naUri.

25Napakati paIsraeri: Pakati paʋanakomana ʋaParoshi: Ramia, naIzia, naMarkiya, naMiyamini, naEreazari, naMarkiya, naBenaya.

26Pakati paʋanakomana ʋaErami: Matania, naZekaria, naJehieri, naAbdi, naJeremoti, naEria.

27Pakati paʋanakomana ʋaZatu: Erioenai, naEriasibi, naMatania, naJeremoti, naZabadi, naAziza.

28Pakati paʋanakomana ʋaBebai: Jehohanani, naHanania, naZabai, naAtrai.

29Pakati paʋanakomana ʋaBani: Meshurami, naMaruki, naAdaya, naJashubi, naSheari, naJeremoti.

30Pakati paʋanakomana ʋaPahati‐moabi: Adna, naKerari, naBenaya, naMaaseya, naMatania, naBezareri, naBinui, naManase.

31Pakati paʋanakomana ʋaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarkiya, naShemaya, naShimeoni:

32naBenjamini, naMaruki, naShemaria.

33Pakati paʋanakomana ʋaHashumi: Matenai, naMatata, naZabadi, naErifereti, naJeremai, naManase, naShimei.

34Pakati paʋanakomana ʋaBani: Maadai, naAmrami, naUeri;

35naBenaya, naBedeya, naKeruhi;

36naVania, naMeremoti, naEriashibi;

37naMatania, naMatenai, naJaasu;

38naBani, naBinui, naShimei;

39naSheremia, naNatani, naAdaya;

40naMaknedabai, naShashai, naSharai;

41naAzareri, naSheremia, naShemaria;

42naSharumi, naAmaria, naJosefa.

43Pakati paʋanakomana ʋaNebo: Jeieri, naMatitia, naZabadi, naZebina, naIdo, naJoeri, naBenaya.

44Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋatorwa; ʋamŋe ʋaʋo ʋakaŋga ʋaɓerekerwa ʋana naʋakadzi ʋaʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help