1Ndicasimudzira meso aŋgu kumakomo;
Kuɓatsirwa kwaŋgu kucabvepiko?
2Kuɓatsirwa kwaŋgu kunobva kunaJehova,
Wakaita kuɗeŋga napasi.
3Haaŋgatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke;
Muceŋgeti wako haaŋgakotsiri.
4Tarirai, muceŋgeti waIsraeri
Haaŋgakotsiri kana kuʋata.
5Jehova ndiye muceŋgeti wako;
Jehova ndiye mumvuri wako paruʋoko rwako rworudyi.
6Zuʋa hariŋgakuɓayi masikati,
Nomŋedzi ʋusiku.
7Jehova ucakuceŋgeta paɀakaipa ɀose;
Ucaceŋgeta mŋeya wako.
8Jehova ucakuceŋgeta pakuɓuɗa kwako napakupinda kwako,
Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.