1Nokuti kana kuri kushumira ʋatȿene, handifaniri kuti ndikunyorerei;
2nokuti ndinoziʋa kuɗa kwomŋoyo yenyu, kwandinorumbidza pamsoro penyu kunaʋaMakedonia, kuti ʋaAkaya ʋakaŋga ʋaɀigadzira kubvira makei; nokushiŋgaira kwenyu kwakamutsa ʋazhinji.
3Ɀino, ndakatuma hama idzi, kuti kuɀirumbidza kweɗu pamsoro penyu kurege kuitwa pasina pacinhu ici; kuti, seɀandakareʋa, mugare makaɀigadzira;
4kuti ɀimŋe kana ʋamŋe ʋeMakedonia ʋaciʋuya neni, ʋakakuwanai musina‐kuɀigadzira, isu (hatireʋi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.
5Naiɀoɀo ndakati ɀakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti ʋataŋge kuenda kwamuri, ʋataŋge kumbogadzira cipo cokuʋoŋga camakapikira kare, kuti ici cigare cakagadzirwa ciri cipo cokuʋoŋga, cirege kuʋa cinhu cakatorwa nesimba.
6Ɀino raŋgarirai cinhu ici: Unodɀara ɀishoma, ucaceka ʋo ɀishoma; unodɀara ɀizhinji, ucaceka ʋo ɀizhinji.
7Mumŋe nomumŋe ŋgaaite seɀaakafuŋga pamŋoyo; arege kuita nokucema, kana nokuroʋererwa; nokuti Mŋari unoɗa munhu unopa nomufaro.
8Mŋari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti ŋguʋa dzose muʋe nokuriŋgana kwose paɀose, kuti muwanze maɓasa ose akanaka;
9seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Iye wakaparadzira, iye wakapa ʋarombo;
Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi.
10Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu;
11mucifumiswa paɀose mugoziʋa kupa ɀakawanda, ɀinoti, kana ɀiciitwa nesu, Mŋari unoʋigirwa naɀo kuʋoŋga.
12Nokuti kushumira kwokuɓatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwaʋatȿene ɓedzi, asi kunowanzisa ʋo kuʋoŋga kunaMŋari;
13nokuɗa kweɀinoʋonekwa pakushumira uku ʋanorumbidza Mŋari, pamsoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evaŋgeri yaKristu, napamsoro pokupa kwenyu ɀakawanda kwaʋari nokunaʋose.
14Naiʋo ʋamene ʋanokushuʋai, ʋacikukumbirirai, nokuɗa kwenyasha huru‐huru dzaMŋari pamsoro penyu.
15Mŋari ŋgaaʋoŋgwe pamsoro pecipo cake, cisiŋgagoni kurondedzerwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.