Mapisarema 102 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kucema kwomunhu uri pakutambudzika kukuru, asi unoʋimba naJehova.Munyeŋgetero wounotambudzika pakumanikidzwa kwake; unocema kwaɀo pamberi paJehova.

1Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova,

Kucema kwaŋgu ŋgakuȿikire kwamuri.

2Regai kundiʋanzira ciso cenyu pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu;

Rerekerai nzeʋe yenyu kwandiri;

Pazuʋa rokuɗana kwaŋgu kurumidzai kundipindura.

3Nokuti mazuʋa aŋgu anopera soʋutsi,

Mafupa aŋgu anotȿa secitsa.

4Mŋoyo waŋgu warobga soʋuswa, wawoma;

Nokuti ndinokaŋganwa kudya ɀokudya ɀaŋgu.

5Nokuɗa kwenzwi rokugomera kwaŋgu

Mafupa aŋgu anonamatira nyama yaŋgu.

6Ndafanana nehukurwizi yomurenje;

Ndaʋa sezizi romumatoŋgo.

7Handiʋati, ndafanana

Neshiri iri yoga pamsoro peɗeŋga reimba.

8Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanondituka zuʋa rose;

Aʋo ʋanondipeŋgera ʋanonditukisa kwaɀo.

9Nokuti ndakadya maɗota seɀokudya,

Ndikaveŋganisa ɀokunwa ɀaŋgu nemisodzi.

10Nokuɗa kwehasha dzenyu nokutsamŋa kwenyu;

Nokuti makandisimudza mukandirasha.

11Mazuʋa aŋgu akafanana nomumvuri wareɓa;

Ndawoma soʋuswa.

12Asi imi Jehova, mucaʋa’po nokusiŋgaperi;

Marudzi namarudzi acakuraŋgarirai.

13Imi mucasimuka, mukanzwira Zioni ŋgoni;

Nokuti ŋguʋa yaʋa’po yokurinzwira tsitsi, ɀirokwaɀo, ŋguʋa, yakatarwa, yaȿika.

14Nokuti ʋaranda ʋenyu ʋanofarira mabge aro,

Ʋanonzwira tsitsi guruʋa raro.

15Naiɀoɀo ʋahedeni ʋacatya zita raJehova,

Namadzimambo ose apasi kubginya kwenyu;

16Jehova ɀaakaʋaka Zioni,

Akaʋonekwa nokubginya kwake;

17Akaʋa nehanya nomunyeŋgetero waʋakakumurwa,

Akasaɀidza munyeŋgetero waʋo.

18Iɀi ɀicanyorerwa rudzi runozoʋuya;

Ʋanhu, ʋacazosikwa, ʋacarumbidza Jehova.

19Nokuti wakatarira pasi ari panɀimbo yake tȿene yakakwirira;

Jehova wakacerekedza nyika ari kuɗeŋga;

20Kuti anzwe kugomera kwomusuŋgwa;

Kuti asunuŋgure ʋana ʋorufu;

21Kuti ʋanhu ʋaparidze zita raJehova paZioni,

Nokurumbidzwa kwake paJerusarema;

22Kana marudzi aʋanhu aʋuŋgana,

Noʋushe ʋuzhinji, kuti ʋashumire Jehova.

23Wakatapudza simba raŋgu panzira;

Wakafupisa mazuʋa aŋgu.

24Ndakati: Mŋari waŋgu, regai kundibvisa mazuʋa aŋgu acigere kuȿika;

Makore enyu anoȿika kumarudzi namarudzi.

25Makateya nyika kare‐kare;

Neɗeŋga rose iɓasa ramaʋoko enyu.

26Ɀicaparara iɀo, asi imi mucagara muri’po;

Ɀirokwaɀo, iɀoɀo ɀose ɀicasakara seŋguʋo;

Mucaɀishandura secisimiro, ɀikashanduka;

27Asi imi hamushanduki,

Makore enyu haaŋgaʋi nomugumo.

28Ʋana ʋaʋaranda ʋenyu ʋacagara ʋari’po,

Naʋana ʋaʋo ʋacasimbiswa pamberi penyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help